Lyrics

Hmm kamwenje Mandibvutira kamwenje Kuti dima rindimedze Kuti dziva rindiyeredze Ndangomirira kuyedze mambo, iii Zvimwe imwe nguva Kuchauya njiva yakatakura ruva, yoisa paguva Pamwe muchatuma mutumwa akarurama Mondipa mazuva, mondiwedzera nguva Ndongoda kamwenje (ndotya, ndotya) Ndaikumbira kamwenje Handichaoni Kamwenje (ndotya, ndotya) Hupenyu hwacho makasa Anoziva ramangwana ishasha Kana ini ndavate parupasa, iii Ndoti rangu ndakabate basa (ndotya, ndotya) Zvimwe imwe nguva Kuchauya njiva yakatakura ruva, yoisa paguva Pamwe muchatuma mutumwa akarurama Mondipa mazuva, mondiwedzera nguva Zvimwe imwe nguva Kuchauya njiva yakatakura ruva, yoisa paguva Pamwe muchatuma mutumwa akarurama Mondipa mazuva, mondiwedzera nguva Ndongoda kamwenje (ndotya, ndotya) Inongouya mweya yetsvina Inongodzungaira nerima Mweya inongoomesa zvamakasima Motumira moto unoririma Baba, inombouya mweya yetsvina Inongodzungaira nerima Mweya inongoomesa zvamakasima Motumira moto unoririma Zvamuri bako rangu rekuhwanda, mamvura mahwe (Ndingamira naaniko?) She muri chidzitiro, chinondivharira miseve nenyere (Ndingamira naaniko?) She, zvamuri bako rangu rekuhwanda, mamvura mahwe (Ndingamira naaniko?) She muri chidzitiro, chinondivharira miseve nenyere (Ndingamira naaniko?) She Kwandoyenda husiku, ndodzoka ndiri mupenyu here? Kwandoyenda husiku, ndodzoka ndiri mupenyu here? Kwandoyenda husiku, ndodzoka ndiri mupenyu here? Ndaikumbira kamwenje Ndongoda kamwenje Mwenje uno
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out