Lyrics

Honaka mwanangu zvawadai wakura chirega ndikupewo chirairo chekuguma Honaka mwanangu zvawadai wakura chirega ndikupewo chirairo chekuguma Kuzvishora kwako nyangwe kuzvikoshesa zvave kwauri mwanangu Kuzvishora kwako nyangwe kuzvikoshesa zvave kwauri mwanangu Asi kufa mwanangu, hakuna gumi remazuva mwanangu teerera Ndati kufa mwanangu hakuna gumi remazuva mwanangu teerera Iro zuva richati Tenzi havachandida panyika vave kundiendesa kwavanoziva Ndati zuva richati Tenzi havachandida panyika vave kundiendesa kwavanoziva Hakuna anoriziva nyangwe anoziva zviripo tose panyika takangozadzwa nefungidziro Hakuna anoriziva nyangwe anoziva zviripo tose panyika takangozadzwa nefungidziro Nhamo dzenyika mwanangu haungadzikuriri haungadzikwanisi Nhamo dzenyika mwanangu haungadzikuriri haungadzikwanisi Nhamo dzenyika mwanangu haungadzikuriri haungadzikwanisi woga Zvichauya zvichakunetesa pfungwa zvichakutenderedza musoro zvichakupusisa Zvichauya zvichakunetesa pfungwa zvichakutenderedza musoro zvichakupusisa Uchachema mwanangu uchitsvaka mazano Ipapo dura remazano ndichange ndave rindaka Uchachema mwanangu uchitsvaka mazano Ipapo dura remazano ndichange ndave rindaka Ndoda ukazotora ropa rangu Baba vako uchazokungura uchazodemba Ndati ukazotora ropa rangu Baba vako uchazokungura uchazodemba Uchaona kuti uchave nyore kuvengwa nyangwe unatse sei hakuna anozviona Uchaona kuti uchave nyore kuvengwa nyangwe unatse sei hakuna anozviona Asi chitsive handidi nyangwe zvikurwadze sei ungazodzivirira makomborero kubva kumatenga Chitsive handidi nyangwe zvikurwadze sei ungazodzivirira makomborero kubva kumatenga Nhamo dzenyika mwanangu haungadzikuriri haungadzikwanisi Nhamo dzenyika mwanangu haungadzikuriri haungadzikwanisi Nhamo dzenyika mwanangu haungadzikuriri haungadzikwanisi woga Zvinoda upenyu mwanangu zvakaoma Baba ndakazvitsvaka honai ndakazvivhima ini ndakazvironda ende ndakazviwana Ndokuzvipfimbika muninga yemoyo wangu Baba ndakazvitsvaka honai ndakazvivhima ini ndakazvironda ende ndakazviwana Ndokuzvipfimbika muninga yemoyo wangu Yoyoyoyo yoyo Yoyoyoyo yoyo Zvakanaka zvose zvandingade kuita Kunzwisisa kwese kwandingade kutaridza Tsiye nyoro dzose dzandingape kuhama Nguva ndiyo ino nokuti handichadzokazve Pasi rino itsikarumwe kana ndaenda, kana ndaenda handichadzokazve Saka nguva ndiyoyi Nguva ndiyoyi Nguva ndiyoyi Nguva ndiyoyi Nguva ndiyoyi Nguva ndiyoyi Nguva ndiyoyi Hama nguva ndiyoyi Wotoita zvinoda moyo wena Baba kune vamwe varikurwa hondo Idi kune vamwe varikurwa hondo Hondo yakaipa Hondo yakaoma Varikuruka mbumburu vakasenga zvipfeko Honai vane nduru kurodza mabakatwa Hondo yekunditurunura pachigaro chiye, chandakapiwa naTenzi vaona shungu dzangu Ndoita seiko mwana wenyu Ndiri kupfuura nemune rino pasi kamwe chete and kekuguma Ndodarika nemune rino pasi kamwe chete and kekuguma Saka ndode kushandisa kamukana kano kandakapiwa naTenzi kekurarama Ini ndode kushandisa kamukana kano kandakapiwa naTenzi kekurarama Pasi rino itsikarumwe kana ndaenda, kana ndaenda handichadzokazve Pasi rino itsikarumwe kana ndaenda, kana ndaenda handichadzokazve Nhengure kutyei zvangu ini zizi harine nyanga Handibvume kutyisidzirwa nemapfumo emashanga Dzanguwo pfungwa neangu mashoko iuta nemiseve Hokoyoi Hokoyoi mazizi hokoyoi Hokoyoi mhandu hokoyoi Ndasunga ndamba ini Hokoyoi haikona kutyisidzirwa iwe Hokoyoi
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out