Lyrics

Murume kana uchinge washinga kuroora chiziva kuti mukadzi ndewako Usambomushungurudza, kumurwadzisa kusvika pakufunga kuti Kuti, "Koo ndasiyana nezvandaive ndiri here kare?" Koo kunge kusema kwabvepikozve? Murume kana uchinge washinga kuroora chiziva kuti mukadzi ndewako Usambomushungurudza, kumurwadzisa kusvika pakufunga Kuti, "Koo ndasiyana nezvandaive ndiri here kare?" Koo kunge kusema kwabvepikozve? Pakarepo varume tinokakanganwa vanhu vedu naivo madzimai hwakasiyana Wototora mukana nekuti samai vanoyamwisa Pfungwa nomeso huona sekunge vatokwegura Rudo rwakare ruye makavigepi? Pakarepo varume tinokakanganwa vanhu vedu naivo madzimai hwakasiyana Wototora mukana nekuti samai vanoyamwisa Pfungwa nomeso huona sekunge vatokwegura Rudo rwakare ruye makavigepi? Fukunurai, maiwe rubude pachena, hoo Fukunurai, maiwe rubude pachena, hoo Makore mangani amagara muri baba namai? Kudai asingade dai akaenda zvichangotanga Zvimwe tisu varume tinokonzera mabasa erima Makore mangani amagara muri baba namai? Kudai asingade dai akaenda zvichangotanga Zvimwe tisu varume tinokonzera mabasa erima Mudzimai anokura rumwechete Kana ada anopa rudo akaperera pauri iwe Mudzimai anokura rumwechete Kana ada anopa rudo akaperera pauri iwe Musikana anokura rumwechete Kana ada anopa rudo akaperera pauri iwe Kana wamudaro achafunga zvipi? Semukadzi wako iye wawakashara Kunyangwe murudo wotomutasamura sei? Kana wamudaro achafunga zvipi? Semukadzi wako iye wawakashara Kunyangwe murudo wotomutasanura sei? Wodiniko mumwe wako? Vanamaiwe (nguva ndiyoi) Vanamai (nguva ndiyoi), vanamaiwe (nguva ndiyoi) Ratidzai (nguva ndiyoi), varume ndevenyu (nguva ndiyoi) Vanababa (nguva ndiyoi), vanababawe (nguva ndiyoi) Ratidzai (nguva ndiyoi), madzimai ndenyu (nguva ndiyoi) Chikomana (nguva ndiyoi), chikomawe (nguva ndiyoi) Ratidzawo musikana ndewako
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out