Lyrics

Dzikisai huso tiremekedze, tirangarire kufa kwakaita vaimbi Dzikisai huso tiremekedze, tirangarire kufa kwakaita vaimbi Vaimbi vakare inga vaive magamba, torangarira kufa kwemikono Mashoko avaiimba aivaka inga dzimba dzakamira Haa pabva zino pasare vende, ndorangarira kufa kwemikono Ndikafunga rufu rwaJimmy Chimombe Pasi idandaro kudadirana kupedza nguva Ndorangarira kufa kwemikono Uchandifungawo ndave kure-kure, kure-kure-kure Kure-kure-kure, kure-kure-kure Tongai Moyo seni akandirwadzisa, ndorangarira kufa kwemikono Varume Tongai Moyo akafa achirwadziwa, ndorangarira kufa kwemikono Hupenyu hwangu hwaoma ini, ndouya kwamuri senzira yekupona Ishe tipeiwo simba tiraramewo kani si si si si Inga wani munondionawo, nhamo yangu izere nekuchema Ishe ndipeiwo simba ndiraramewo kani Mukoma Tazvida inga vaive gamba, ndorangarira kufa kwemikono Mukoma Tazvida inga vaive gamba, ndorangarira kufa kwemikono Dai hanzvadzi yairoorwa ndingadai ndakaroora yangu Kwete kuchiva kunaka asi kuchiva tsika Kwete zvandakazoroora izvi, inhamo chaiyo Kungwarira paduri sehuku kutodza mai sekurima Zverudo zvagara zvinonetsa Njanja Express ichechi yepanze haizari heheehe Madzibaba Mozi tsime nezambuko, Commander Gwanzura Hapana anogara panyika nekusingaperi Asi munamato wangu mukuru kuna Mwari Wedzerai makore ekurarama kuvaimbi, kunaiye Somandla Ndebele Paachanyora mumupe pfungwa zhinji semuimbi Regai timbodai ndipei zuva, zuva rimwechete pamazuva ekurarama Ndipei zuva, zuva rimwechete pamazuva ekurarama Vapei mazuva ekurarama, vaimbi tigorarama Vapei zuva rekurarama, vaimbi tigorarama Wedzerai makore ekurarama kuvaimbi, kunaiye Romeo Gasa Paachanyora mumupe pfungwa zhinji semuimbi (simbi hombe) Tikomborereiwo Baba, hoo tikomborereiwo Ishe Tishande zvakanaka, rwendo rwatiri kufamba Baba fambai nesu Zuva parinopisa Baba dzimurai moto Rwendo rwatiri kufamba baba fambai nesu Takumbira takumbira takumbira Ishe wangu takumbira Wedzerai makore ekurarama kuvaimbi, kunaiye Nicholas Zakaria Paachanyora mumupe pfungwa zhinji semuimbi (Senior Lecturer) Kurarama kwedu kunobva kwamuri vatsigiri Tinokutendai murambe makadaro Kurarama kwedu kunobva kwamuri vatsigiri Tinokutendai murambe makadaro Maoko enyu needu tikamabatanidza Panowanikwa chakanaka muhupenyu hwedu Wedzerai makore ekurarama kuvaimbi, kunaiye Proggy Chipfumo Paachanyora mumupe pfungwa zhinji semuimbi Kufara kwavo mambo vangu, makomborero kwandiri Kusuwa kwavo mambo vangu, dambudziko remoyo wangu Kufara kwavo mambo vangu, makomborero kwandiri Kusuwa kwavo mambo vangu, dambudziko remoyo wangu Vashingiseiwo vave nemoyo munyoro kunherera Vashingiseiwo vave nemoyo munyoro kune vasina Wedzerai makore ekurarama kuvaimbi, kunaiye Simon Mutambi Paachanyora mumupe pfungwa zhinji semuimbi Sekuti ndimi mupi wazvose Yahweh Munotipa pfungwa nguva zhinji tifunge zvemberi Munotipa zivo, zivo huru tione zvemberi Munotipa pfungwa, pfungwa zhinji tifunge zvemberi Munotipa zivo, zivo yekuziva zvisakaziviwawo Wedzerai makore ekurarama kuvaimbi, kunaiye Trymore Bande Paachanyora mumupe pfungwa zhinji semuimbi Nemanzwi amakatipa iwayo Mwari Kwandinovonga nerudo rwamuinarwo Ndozvinoita zodzo yaMwari Imi makatiropafadza nemazwi eduwo Ndozvinoita zodzo yaMwari Here Mambo, here Mambo Here Mambo, here Mambo Wedzerai makore ekurarama kuvaimbi, kunaivo VaEfeso Pavachanyora muvape pfungwa zhinji sevaimbi Tigonesei Baba tigonesei Baba Tigonesei Baba tigonesei Baba Ndati tigonesei (sei Baba tigonesei Baba) Baba tigone (sei Baba tigonesei Baba) Vaimbi vose tigonesei Baba (sei Mwariwe, vagonesei Baba) Naiyoyi Njanja igonesei Baba (igonesei Baba, vagonesei Baba) Igonesei Baba (sei Mwariwe tigonesei Baba) Hiya Amen-wo, Amen-we hosanna
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out