Lyrics

Baba Harare musadaro HK- (Soul Jah-,Soul Jah-) Iye (Dj) Tichinge tapinda masango masango Pakuda imi chipangamazano Itai tipesane nenhamo Nzendo dzacho dzatatanga mufambo Ishe patinenge tichifamba tisasangane nerima Kana miyedzo inenge Mellisa, Lindsay kana Katarina Kombereraiwo chandinobata chisasangane nerima Ndikayedzwa nganditi ndaguta, ndogutsikana nezvandakarima Nekuti ndega ndawoneswa horror Chandabata chese vanongochishora Vanenge machitoda nevhu nesora Kuda kundiita nyama yemagora Pazvakanzi mukombe ndatora Havafare mafuta ndapenya ndazora Hasha voda kundikika sebhora Havana mufaro ndichinge ndagona Tsamba yangu kwamuri ndanyora Ndichinge ndarasika mugondidzora Chinenge chisiri changu ndisatora Baba Harare dzokorodza chorus Ishe patinenge tichifamba tisasangane nerima Kana miyedzo inenge Mellisa, Lindsay kana Katarina Kombereraiwo chandinobata chisasangane nerima Ndikayedzwa nganditi ndaguta, ndogutsikana nezvandakarima Rima hatiridi Ishe, vhenekaiwo tigofamba mushe Mazwi matete asandivhiringe achinge apinda munzeve Vanenge vachitoda ndisasvike Kwandinoyenda zvisapera mushe Honai face dzavo kufinyama muchinge mandipa mugove Vanoda ndisangane nejambwa Haiwa izvozvo ndaramba Vanondida vakachinja pfungwa vanofara zvikanzi ndarambwa Nejambwa, haiwa izvozvo ndaramba Vanondida vakachinja pfungwa vanofara zvikanzi ndarambwa Tichinge tapinda masango masango Pakuda Imi Chipangamazano Itai tipesane nenhamo Nzendo dzacho dzatatanga mufambo Ishe patinenge tichifamba tisasangane nerima Kana miyedzo inenge Mellisa, Lindsay kana Katarina Kombereraiwo chandinobata chisasangane nerima Ndikayedzwa nganditi ndaguta, ndogutsikana nezvandakarima Nekuti ndega ndawoneswa horror Chandabata chese vanongochishora Vanenge machitoda nevhu nesora Kuda kundiita nyama yemagora Pazvakanzi mukombe ndatora Havafare mafuta ndapenya ndazora Hasha voda kundikika sebhora Havana mufaro ndichinge ndagona Tsamba yangu kwamuri ndanyora Ndichinge ndarasika mugondidzora Chinenge chisiri changu ndisatora Baba Harare dzokorodza chorus Ishe patinenge tichifamba tisasangane nerima Kombereraiwo chandinobata chisasangane nerima
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out