Lyrics

Ndakambodai ndashanyira shamwari yangu, takagara mumba tichifara Ndokubva mweya mutvene wandizadza, ndakanzwa inzwi raivo vematenga Richiti, "Taurira wanhu wose waripasi, zvitema zvavo kwandiri zvawanda Wakangamwa gumi remitemo, ini nyika ndava kuiparadza" Ndakabvunza, "Baba, chatinotadza chii? Gumi remitemo, inga tinoiziva" Vakati, "Mwana, ndini ndinosika wanhu, zvokufa kwavo ndini ndinozviziva Hapana mumwe munhu, kunyangwe mambo pasipano Ane mvumo yekuuraya mumwe munhu kunze kwangu" Ndakachema, Baba, "Kudai matiregerera, pane chimwe here chatinokanganisa? Wakati, "Mwana, zvekuti wanhu waroorane, kana kuiita vana, ndini ndinovapa Hapana mumwe munhu, kunyangwe mambo pasipano Ane mvumo yekutengesa mumwe munhu kunze kwangu" Ndakachema, "Baba, zvamandiudza ndazvinzwa, pachine chimwe here chatinokanganisa? Wakati, "Mwana, mvura ndinokupai pachena, ivhu rokugara, ndinokupai mahara Hapana mumwe munhu, kunyangwe mambo pasipano Ane mvumo yekutengesa zvinhu izvi kunemumwe" Ndakachema, "Baba, zvamandiudza ndazvinzwa Ndichawaudza kuda wangarega Wakati, "Mwana, wanhu pasi wanenharo Nguva ichakwana, ndichavaparadza" Pasi rino richaguma wana baba Pasi rino richaguma wakomana Wematenga waneshungu wana mai Wematenga waneshungu wana baba Wematenga waneshungu wasikana Wematenga waneshungu wakomana Pasi rino richaguma wana mai Pasi rino richaguma wakomana Pasi rino richaguma wasikana Wematenga waneshungu wana baba Wematenga waneshungu wakomana Wematenga waneshungu wana mai Wematenga waneshungu wasikana Pasi rino richaguma wana baba Pasi rino richaguma wakomana
Lyrics powered by www.musixmatch.com
Get up to 2 months free of Apple Music
instagramSharePathic_arrow_out