Lyrics

Layaan, tetapinzwa munezvakarongwa, muparking Vakati, "Hatidi mukwasha ane mukwende Wangu mwana haayende" Ndakangoti nechemumoyo idzidzi ingano ambuya, dzepfunde Mani Layaan Mani Mapancho Ndaigaya ndichatora nemuchato (maninja) Mani Vasco Mani Bhogosi Dzakaramba hama dzacho (maninja) Hoowo Wakambojamukwa nehama dzemukadzi here? Nehama dzemukadzi iwe Wakambojamukwa nehama dzemukadzi here? Terera zvakaitika kwandiri Ndakadanana naye mwana wavo ndikazoti aiwa ini ndavakuda kuroora Ndakabata Mapancho semunyayi ndikamuti Mugovera tonobvisa madhora Wakasvika musi, kwasahwira vangu ndiko kwandakaenda ndobva ndanotyora Ndikati vakomana mari iyi monotamba madhiri, change yacho munotora Vapedza zvakanzi mukwasha uyu anobhadhara, zvino tavakuda kumuona Ndakaenda ndakarova bhachi rangu raSelassie apa ndebvu dzangu ndege ndakamona Pakaita bongozozo paambuya vangu ini Bongozozo paambuya vangu Pakaita bongozozo paambuya vangu ini Nenhau yemukwende wangu Pakaita bongozozo paambuya vangu ini Bongozozo paambuya vangu Pakaita bongozozo paambuya vangu ini Vakada kundidzorera mari yangu Ndichipinda pagonhi, vatezvara vakarohwa nehana, pasi ndokubva vadonha Ndakazoona ambuya vavekubata muromo vachinditarisa neziso repacorner Nechemumoyo ndakangoti vanhu ava vakadhibha, vanhu ava havana zvavati vaona Ndakapinda ndikagara pachituru ndichibvisa hat, mukwende ndokubva wadonha Imba yese yakakatyamadzwa, yaigaya kuti kuchauya heavy shoroma Mahwani ese akatanga apo ndakasimuka ndikavati, "Whatta gwaan" pachiJoma Pakaita bongozozo paambuya vangu ini Bongozozo paambuya vangu Pakaita bongozozo paambuya vangu ini Nenhau yemukwende wangu Pakaita bongozozo paambuya vangu ini Bongozozo paambuya vangu Pakaita bongozozo paambuya vangu ini Vakada kundidzorera mari yangu Saka vakati, "Hatidi mukwasha ane mukwende Wangu mwana haayende" Ndakangoti nechemumoyo idzidzi ingano ambuya, dzepfunde Vakabva vapinda zvakare vanatsano vaya-vaya Vekundiwanzira dzungu paya-paya Ini ndiri muNinja hangu asi ndakazviona kuti ndatopinda tsava-tsava Vakandivhunza, "Koo iwewe hindava?" Vachivhura bhutsu zvekuda kundikava Ndikati, "Ghaddafi chaiye ane mukwasha, usandibvunza hindava?" (Mani-, mani-, mani-, mani-, maninja, maninja) (Mani-, mani-, mani-, mani-, maninja, maninja) Wakambojamukwa nehama dzemukadzi here? Nehama dzemukadzi iwe Wakambojamukwa nehama dzemukadzi here? Terera zvakaitika kwandiri Pakaita bongozozo paambuya vangu ini Bongozozo paambuya vangu Pakaita bongozozo paambuya vangu ini Nenhau yemukwende wangu Pakaita bongozozo paambuya vangu ini Bongozozo paambuya vangu Pakaita bongozozo paambuya vangu ini Vakada kundidzorera mari yangu Saka vakati hatidi mukwasha ane mukwende Wangu mwana haayende Ndakangoti nechemumoyo idzidzi ingano ambuya, dzepfunde (dzepfunde)
Writer(s): Wallace Chirumiko Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out