Lyrics

Ah Di Ninja President Copy dat MaNi- maNi-, maNi-, maNinja Chinhu nechinhu mukurarama ziva pane pachinotangira (pachinotangira) Ini zvangu Bigman ndine chimoko changu chandakanyangira (chandakanyangira) Ndaizvibigger maningi ndichitoti pandiri chakatohakira (chakatohakira) Nhasi chane meso-meso, asi baby uri mumwe rangarira Kuti inini ndini ndakatanga ini Baby, ndati ndini ndakatanga ini Mumoyo unozviziva Vakomana vese vaingokuchiva Asi inini ndini ndakatanga ini Baby, ndati ndini ndakatanga ini Vakomana vaikwata (kwata) Ndakasvika Bigman ndikabata (bata) MaNinja (bata, bata) Ndakakajumha kamoko tichaenda kuchikoro Kaindiziva ndichiita zvekuridza mangoma pahoro Ndakakaona kachifamba kega mumwe musi zvinyoro-nyoro Ndikati; "Ndeipi baby? Ndini Bigman, iwe unonzani?" Kasati kandipundura ndakabva ndakabvunza; "Uri form ani?" Kakabva kanditarisa mumaziso zvine chokwadi Ini pandakaoona tsono dzangu dzakudaira PachiNinja ndakaramba ndichifaira Ndikati; "Baby, ndipe number ndizodialler" Zvikanzi; "Fona husiku, ndinokudaira" Ndini ndakatanga ini Baby, ndati ndini ndakatanga ini Mumoyo unozviziva Vakomana vese vaingokuchiva Asi inini ndini ndakatanga ini Baby, ndati ndini ndakatanga ini Vakomana vaikwata (kwata) Ndakasvika Bigman ndikabata (bata) MaNinja (bata, bata) Ndakadanana naye mwana achakavimbika Achayevedza kutarisa segungwa repaSouth Africa Ndaizvirova dundundu vedzimotikari vasati vasvika Paakadya window, akabva ayenda nenyika Haana kuzoita nguva yekutsenga, akabva amhanyira kumedza Kana paRokesheni, MaNinja haachamuremekedza Mhando nemhando dzemota dzomutsveta mangwanani kwoyedza Saka baby, ndini ndakapenga nekuti chakatanga ndochakachenjedza Saka inini ndini ndakatanga ini Baby, ndati ndini ndakatanga ini Mumoyo unozviziva Vakomana vese vaingokuchiva Asi inini ndini ndakatanga ini Baby, ndati ndini ndakatanga ini Vakomana vaikwata (kwata) Ndakasvika Bigman ndikabata (bata) MaNinja (bata, bata) Chinhu nechinhu mukurarama ziva pane pachinotangira (pachinotangira) Ini zvangu Bigman ndine chimoko changu chandakanyangira (chandakanyangira) Ndaizvibigger maningi ndichitoti pandiri chakatohakira (chakatohakira) Nhasi chane meso-meso, asi baby uri mumwe rangarira Kuti inini ndini ndakatanga ini Baby, ndati ndini ndakatanga ini Mumoyo unozviziva Vakomana vese vaingokuchiva Asi inini ndini ndakatanga ini Baby, ndati ndini ndakatanga ini Vakomana vaikwata (kwata) Ndakasvika Bigman ndikabata (bata) MaNinja (bata, bata)
Writer(s): Wallace Chirumiko Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out