Lyrics

Kudenga denga kunoparidza kubwinya kwake Mwari Denga rinoratidza mabasa amaoko ake, oh Hukuru hwake hunoonekwa pazvisikwa zvake Nomurairo wake Jehovah, ah Husiku humwe nohumwe hunopupurira humwe usiku Haleluya Hapana kutaura kana mashoko Inzwi razvo harinzwiki Ndati ndichiona denga ndokushamiswa ini Ndati ndichiona denga ndokushamiswa ini Idzo nyeredzi nomwedzi chiedza chemadekwana, ah Zvakarongwa sei naMwari wekudenga? Kana nairo zuva rakauya seiko? Kana nairo zuva rakauya seiko? Chiedza cheduwo chamasikati Ayayaya Mwari wangu, Mwari wangu munoshamisa Mwari wangu, Mwari wangu kudzwai Baba Mbiri kunaShe vanoshamisa Nditarire mhuka, idzi ndedzepamba idzi Ndaona mbudzi, mombe dzigere navanhu Haleluya Ndione musango mune nyati dzesango, hii Mhuka idzi ndedzemusango hona Hove dzizere muhova dzeduwo Muchadenga muzere shiri, ah Mwari wangu, Mwari wangu munoshamisa Mwari wangu, Mwari wangu kudzwai Baba Mbiri kunaShe vanoshamisa Ayayayaya Nerimwe zuva pachionioni Nditi baa, kutarisa ah Ndaona kuti neniwo ndiri mufananidzo wavo Mwari Ayayayaya, oh Ndichikuona hama uri chishamiso iwe Ndakatarira iwe, uri chishamiso iwe Wakasikwa wakafanana naMwari wangu Uri mufananidzo hona waMwari wanguwo Naizvozvo ngakudzwe Jesu Naizvozvo nganamatwe Mwari uyu Naizvozvo ngakudzwe Jesu Naizvozvo nganamatwe Mwari uyu Mwari wangu, Mwari wangu munoshamisa Mwari wangu, Mwari wangu kudzwai Baba Mbiri kunaShe vanoshamisa
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out