Lyrics

Cook Beats Reproductions Ndiyaniko uyo anodzima zano rangu? Ndiyaniko uyo ane mashoko asina zivo? Ndiyaniko uyo anodzima zano rangu ini? Ndiyaniko uyo ane mashoko asina zivo? (Ndiyaniko uyo) Sunga chiuno mmm huya zvino titaurirane Sunga chiuno heyi huya zvino titaurirane Waivepi iwe ndichiisa nheyo dzenyika? Waivepi iwe ndichisiya mhepo dzenyika Zvandirini mupi nemurongi weupenyu Mibvunzo yabvepi hiiiii? Mwaka wekudyara ndewangu wokukohwa ndini Murongedzi wazvo ndini, mibvunzo yabvepi? Munhu nditeerere (Zvinhu zvose) Nditeerere (Zvinobatirana) Zvese zvina Mwari (Kuti zvizvidzire zvakanaka) Mmmm (Munomuda Mwari) Munhu nditeerere (Zvinhu zvose iwe) Nditeerere (Zvinobatirana) Zvese zvina Mwari (Kuti zvizvidzire zvakanaka) Nditeerere (Munomuda Mwari) Iwe munhu teerera, nditeerere Zvinonaka nezvinovava inguva yeupenyu Wakazvirongedzerwa maringe nenguva yangu Zvino zvazvauya pasuwo rako, mibvunzo yabvepi? Munhu nditeerere (Zvinhu zvose) Nditeerere (Zvinobatirana) Zvese zvina Mwari (Kuti zvizvidzire zvakanaka) Mmmm (Munomuda Mwari) Munhu nditeerere (Zvinhu zvose iwe) Nditeerere (Zvinobatirana) Zvese zvina Mwari (Kuti zvizvidzire zvakanaka) Nditeerere (Munomuda Mwari) Mumwe ndiye anoti seyi inini? Mumwe ndiye anoti zvaitirwei? Mumwe ndiye wazoti seyi kudzinza rangu? Sunga chiuno mmm huya zvino titaurirane Sunga chiuno heyi huya zvino titaurirane Mhepo inobva mabvazuva inopararira seyi? Icho chiyedza panyika chinoparadzaniswa neyi? Icho chiyedza panyika chinoparadzaniswa neyi? Munhu nditeerere (Zvinhu zvose) Nditeerere (Zvinobatirana) Zvese zvina Mwari (Kuti zvizvidzire zvakanaka) Mmmm (Munomuda Mwari) Munhu nditeerere (Zvinhu zvose iwe) Nditeerere (Zvinobatirana) Zvese zvina Mwari (Kuti zvizvidzire zvakanaka) Nditeerere (Munomuda Mwari)
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out