Lyrics

Vakomanawe mandishoreiko Ndati vakomana ini mandishoreiwo chokwadi Nokuti varume ini mandinyanyira Hamuzakamboona karigoni here varumewe Mbeu yetumajongwe tudukuduku tunenge hukwana Hamuzakamboona karigoni here varumewe Mbeu yetumajongwe tudukuduku tunenge hukwana Kanokukuridza nepakati pehusiku Hanzi sekuru Timba kushaya manhenga musati inyana Honde honde Ndoti kundiitawo mutuvi mumukaka mandioneiko? Ko kundiitawo ruomba zvinei? Chamunorwa neni ndachishayiwa vakomana Daka renyu ndereiko musakatadzirwa Chamunorwa neni ndachishayiwa varume woye Chamunorwa neni ndachishayiwa vakomana Daka renyu ndereiko musakatadzirwa Chamunorwa neni ndachishayiwa varume woye Daka renyu ndereiko musakatadzirwa Chamunorwa neni ndachishayiwa chokwadi Daka renyu ndereiko musakatadzirwa Kutofumirira kutosema kare kare Nzeve kuhwinya nekutaurwa Kutofumirira kutosema kare kare Nzeve kuhwinya nekutaurwa Kutoshingaira kutsvaga ruvengo Ko inga Koga wacho hanei nemunhu Kutoshingaira kutsvaga ruvengo Ko inga Koga wacho hanei nemunhu Kutoshaya hope nekufunga Koga Ko madii kufunga zveupenyu hwenyu Kutoshaya hope nekufunga Koga Ko madii kufunga zveupenyu hwenyu Asi kudai ini ndange ndine mhumhu mukuru Handifunge maimbondiitira zvakadero Kudai ini ndange ndine zimhumhu ziguruguru vakomanawe Handifunge maimbondiitira zvakadero Kuti pose pandapfuurira mosvika mobvisa mawewe Chamunorwa ini ndachishaiwa Pose pandapfuurira mosvika mobvisa mawewe Chamunorwa ini ndachishaiwa Pose pandadiwa mosvika moparadza rudo Hamufarire kudiwa kwangu Pose pandadiwa mosvika moparadza rudo Hamufarire kudiwa kwangu Pose pandakudzwa mosvika moshoropodza Hamufarire kudiwa kwangu Pose pandakudzwa mosvika moshoropodza Hamufarire kudiwa kwangu Motofamba muchishambadza zita rangu vakomana Sokunonzi muchawana upfumi kubva pariri Motofamba muchishambadza zita rangu varumewe Sokunonzi muchawana upfumi kubva pariri Ndodandaura ngoma yangu nhapitapi Nanga nanga neni motanga zvekushoropodza Ndodandaura ngoma yangu nhapitapi Nanga nanga neni motanga zvekushoropodza Moda kutsipika chipo changu here varume woye Kana chiri chaNyadenga porai Moda kutsipika chipo changu here varume woye Kana chiri chaNyadenga pfavai Ndovaka dumba rangu ndopfirira Imi mouya noukuriri mopfurunyura Ndovaka dumba rangu ndopfirira Imi mouya noukuriri mopfurunyura Ndiri kuvaka musha wangu vakomana Ndinyareiwo ndinyareiwo ndinyareiwo Ndiri kuvaka musha wangu vakomana Ndinyareiwo ndinyareiwo ndinyareiwo Ndohwandira shiri yangu musango Imi mouya neukuriri mobhururutsa Ndohwandira shiri yangu musango Imi mouya neukuriri mobhururutsa Ndiri kutsvaka usavi hwangu vakomana Ndiwanewoka chekusevesa mauro Ndiri kutsvaka usavi hwangu vakomana Ndinyareiwo ndinyareiwo ndinyareiwo Aheyi munyareiwo Aheyi munyareiwo Inzwa kukerekedza kwetseketsa uku Aheyi munyareiwo Musazovavengera chokwadi Aheyi munyareiwo Honde honde honde Aheyi munyareiwo Asi kudai ini ndanga ndine mhumhu mukuru Handifunge maimbondiitira zvakadero Kudai ini ndanga ndine zimhumhu ziguruguru vakomanawe Handifunge maimbondiitira zvakadero Kuti pose pandapfuurira mosvika mobvisa mawewe Chamunorwa ini ndachishaiwa Pose pandakudzwa mosvika moshoropodza Hamufarire kukudzwa kwangu Pose pandadiwa mosvika moparadza rudo Hamufarire kudiwa kwangu Makandisvikira ndichidanana naSekai Zvisina tsvina zvisina nharo taidanana Makaona zvisina kukodzerana nemi Makauya ndokuparadza rudo rwedu Muchishandisa nyembe dzenyu dzehukuru Makauya ndokuparadza rudo rwedu Ndikati zano ndege ini mudoko Zviri nane nditonanga kuMasvingo Ndiko ndakandosangana naye Sarudzai Akandida nyore nyore kukunyadzisai Makaona zvisina kukodzerana nemi Makauya ndokuparadza rudo rwedu Muchishandisa nyembe dzenyu dzehupfumi Makauya ndokuparadza rudo rwedu Ndikati zano ndege ini murombo Zviri nane nditonanga kuMaungwe Ndiko ndakazondomuonawoka wandinodisa Wechidiki akanaka akadziga Ndiko ndakazondomuonawoka wandinodisa Wechidiki akanaka akadziga Chenaimoyo Chenai wangu
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out