Lyrics

Handisirini ndakazvinyorawo Handisirini ndakazvitaura Ndangokokotawo mugapu renhaurwa Ndokupepetawo kubva mugaringiro rezvinyorwa Handisi kuzvipembedza kuve munatsi ini Handisi kuzvishambadza kuve muhedheniwo Hanzi makarekare Africa iyi yaiyera Africa iyi yaiyera Makarekare Africa iyi yaiyera Africa iyi yaiyera Asi kubva pakazouya vakauya Vakatungamidza shoko rakanaka pamberi Hanzi kubva pakazouya vakauya Vakatungamidza shoko dzvene pamberi Hanzi shoko parakagunzva hana dzedu takatendeuka rungwangwanangwana Hanzi shoko parakagunzva hana dzedu takatendeuka rungwangwanangwana Takatanga kudana midzimu tochiti mweya yakaipa Takatanga kudana midzimu tochiti mweya yetsvina Kutungamidzwa mberi kunofumura nzvimbo dzaiyera vakomana Kutungamidzwa mberi kunofumura nzvimbo dzaiyera vakomana Hanzi mapako matsime chaiwo mapopopo Makomo nzvimbo dzaiyera muAfrica Hanzi mapako matsime chaiwo mapopopo Makomo nzvimbo dzaiyera muAfrica Hona chitupe chakamwaya mudziva matinoshambira umu Nhaka tichapera tese nemutangarira Hona chitupe chakamwaya mudziva matinoshambira umu Nhaka tichapera tese nemutangarira vakomana Zvinoda Bhaibheri tiri kukoniwa Uku tsika dzedu takarasa kare Zvinoda Bhaibheri tiri kukoniwa Uku tsika dzedu dzatove marara Ruzhinji rwedu tiri kutamba naMwari Tichibata mabasa akaipa Nhamo yatichaona vanamukoma Nhamo yatichaona chitaurirwa Nhamo yatichaona vanamukoma Nhamo yatichaona chitaurirwa Nhamo yatichaona vanaamai Nhamo yatichaona chitaurirwa Nhamo yatichaona vanaamai Nhamo yatichaona chitaurirwa Tichapisa zvidhinha neuswa Tichapisa zvidhinha neuswa Tichadzima moto nemate Tichadzima moto nemate Tichatsenga mhandire nemavende Tichatsenga mhandire nemavende Ngoma ngoma ngoma Yeah Hama tichine basa guru rekuchenesa mabasa atinobata aya mukurarama Vehama ndinzwei Tese tichine basa guru rekupepeta mabasa atinobata aya mukurarama Vehama ndinzwei
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out