Lyrics

Hee-he isu zii zvedu Setisingaoni asi tichiona Setisingatauri asi tichitaura Setisingafungi asi tichifunga Setisingadi asi tichida Mais oui, mais oui, ça c'est vrai na mokili ya sé Ozo mona lokola ozo mona té (Kunzi unzi uri hurudza) unenge uchitova uri murimi (Haungave uri hurudza) iwe usitombowe ba murimi (Usave hurudza yezita) hakuna zvakunopa kunze kwedara (Unozoita sewatadzirwa) nekuti unenge usina kurongeka Vakarima chaivo vachionekwa nekukohwa zvirimwa zvavo Ngarani dzizere kuti fashu (Kunzi unzi uri Gwenyambira) unenge waridza zvafadza vatereri (Kuve vatambi wenhabvu) vanenge vachitofamba nebhora (Kuti uti unodiwa) zvinoonekwa nerudo rwacho (Kuona kuti uyu muvengi wangu) hazvinetse kuona zviri pachena Haandide zvachose uyu Ava vanondida ava, ava vakandimaka ava (Kunzi unzi uri hurudza) unenge uchitova uri murimi (Kunzi unzi uri Gwenyambira) unenge waridza zvafadza vatereri (Kuti uti unodiwa) zvinoonekwa nerudo rwacho (Kuona kuti uyu muvengi wangu) hazvinetse kuona zviri pachena Haandide zvachose uyu Ava vanondida ava, ava vakandimaka ava Zvamakandiratidza zvakandishamisa Mwari wangu Kundiratidza nezvandaisaziva Zvamunondiratidza zvinondishamisa Ishe wangu Kundiratidza nezvandaisaziva Zvamakandiratidza zvakandishamisa Ishe wangu Kundiratidza kune muvengi wangu Kundiratidza kune akandimaka Kundiratidza kune asingandide Ndakakutadzireiko iyeni? Chaita iwe undidaro nhasi Inga chido ndaive nacho wani Inga rudo ndaive narwo wani Akakutadzireiko iyeyu? Chaita iwe umudaro nhasi Inga rudo aive narwo wani Inga rudo aive narwo wani Takakutadzireiko iyesu? Chaita iwe utidaro nhasi Inga chido taive nacho wani Inga rudo taive narwo wani Wakatadzirwei? Wakatadzirweiko wee? Akakutadzirei? Ndakutadzireiko wee? Ndakakutadzireiko iyeni? Chaita iwe undidaro nhasi Inga chido ndaive nacho wani Inga rudo ndaive narwo wani Akakutadzireiko iyeyu? Chaita iwe umudaro nhasi Inga rudo aive narwo wani Inga rudo aive narwo wani Takakutadzireiko iyesu? Chaita iwe utidaro nhasi Inga chido taive nacho wani Inga rudo taive narwo wani
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out