Lyrics

Simplex Musik Stallion, oh wo woo (oi) Nemuzita renyu Jehovah tichakunda Varimunhamo wachabuda Nemi Jehovah Baba, mutoro tichatura Variko vanochema zvisina anonzwa Vachifamba munzira isina anoda Nzira izere makava anonhuwa domba Nzira izere makata, izere makomba Haushaye matsimba munzira ine minzwa Umo mune matsimba, baba, arimo arikufamba Haushaye matsimba munzira ine minzwa Umo mune matsimba, umo mune matsimba Huya ugare neni mwana wehanzvadzi Hupenyu kudhorobha, zvino hurinane Kudai makangokafemerawo kani Mwari Murume watete haana nyadzi "Bam'kuru musadaro", karidza mhere Makore munoziva ndingori nesere "Babamukuru musadaro", karidza mhere Bam'kuru ndozviziva mune chirwere Kasikana kanochema zvisina anonzwa Kachifamba munzira isina anoda Nzira izere makava anonhuwa domba Nzira izere makata, izere makomba Haushaye matsimba munzira ine minzwa Umo mune matsimba, baba, arimo arikufamba Haushaye matsimba munzira ine minzwa Umo mune matsimba, umo mune matsimba Amai vakafuka ravo vega, baba vakafuka ravo vega Ava mukufuka avo vega, vakasiya mwana ariega Akapinda musango akatetereka Kuburikidza nekushaya anochengeta Shungu dziri mumoyo dzinomuchera Misodzi yake haizorore kuyerera Ndati mwana anochema zvisisna anonzwa Achifamba munzira isina anoda Nzira izere makava anonhuwa domba Nzira izere makata, izere makomba Haushaye matsimba munzira ine minzwa Umo mune matsimba, baba, arimo arikufamba Haushaye matsimba munzira ine minzwa Umo mune matsimba, umo mune matsimba Nemuzita renyu Jehovah tichakunda Varimunhamo wachabuda Nemi Jehovah Baba, mutoro tichatura Variko vanochema zvisina anonzwa Vachifamba munzira isina anoda Nzira izere makava anonhuwa domba Nzira izere makata, izere makomba Haushaye matsimba munzira ine minzwa Umo mune matsimba, baba, arimo arikufamba Haushaye matsimba munzira ine minzwa Umo mune matsimba, umo mune matsimba
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out