Lyrics

Zvinodiwa namai ngazviitwe, vachiri vapenyu Vakange vafa vava mutorwa Zvinodiwa namai ngazviitwe, vachiri vapenyu Mbereko huru ndeyekwamai Kuzoona munhu onzi rava jaya kana mhandara Nhumbu yese iyi ndeyaaamai Kusungira mbereko nekutsengera mushonga Mwana akange arwara, nezvakawanda Zvinodiwa namai ngazviitwe, vachiri vapenyu Vakange vafa vava mutorwa Zvinodiwa namai ngazviitwe, vachiri vapenyu Mbereko huru ndeyekwamai Hona panorwarira mwana mai vanomhanya mhanya nesango Gwenzi negwezi vanoriziva nezita raro Hona panorwarira mwana mai vanomhanya mhanya nesango Chiremba nachiremba vanomuziva nezita rake Hazvina mhosva kuti mwana uyu akange ave saimba Kuna amai, mwana wavo chete Hazvina mhosva kuti mwana uyu akange ave saimba Panorwarira mwana wavo ura hwavo hunocheka cheka Zvinodiwa namai ngazviitwe, vachiri vapenyu Vakange vafa vava mutorwa Zvinodiwa namai ngazviitwe, vachiri vapenyu Mbereko huru ndeyekwamai
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out