Lyrics

Mhinduro iripo mukoma Mhinduro ndiJesu WeNazareta Mhinduro yamaitsvaga yakawanikwa Mhinduro ndiJesu WeNazareta Mhinduro iripo mukoma Mhinduro ndiJesu WeNazareta Mhinduro yamaitsvaga yakawanikwa Mhinduro ndiJesu WeNazareta Saka nyarara kuchema Mukoma kani Nyarara Mukoma nyarara kuchema Ko inga zvatoitika Nyarara Nyarara kuchema Mukoma kani Nyarara Mukoma ndati nyarara kuchema Inga rufu rwatowanikwa Nyarara Nyarara kuchema Nyangwe nemi amai nababa Nyarara Amai nababa Nyararai kuchema Inga zvatoitika Nyararai Nyararai kuchema Kune mudikani Hama yedu watisiya uyu Zvotirwadza zvotibaya Moyo Asi ngatironge ramangwana Kune mudikani Mwatiya wataviga uyu Zvotirwadza zvotibaya moyo Asi ngatironge ramangwanaka Vanamai vanababa kudzimba uko Tariraika zvaite nyika Ko inga yaparara Vakomana vasikana kumigwagwa Kumafaro uko Chionaika kwainda nyika Muvambi nemukwanisi wekutenda kwedu Jehovah Kana tikasamudaidza yaparara nyika Nyarara Nyarara kuchema Muvambi nemukwanisi wekutenda kwedu Jehovah Kana tikasamudaidza yaparara nyika Nyarara Mhinduro iripo mukoma Mhinduro ndiJesu WeNazareta Shamhu haipedze musikanzwa wemwana Anogona ndiJesu WeNazareta Nyangwe jere haripedze musikanzwa wababa Chinogona iropa Repamuchinjikwa Ino haisi nguva yekutarisa Mhiri kwemakungwa Hallelujah I nguva yekutarisa Kumusoro kudenga Haisi nguva yekutsvaga mumwewo mazvikokota Hallelujah I nguva yekutsvaga Chiso chaJesu Muvambi nemukwanisi wekutenda kwedu Jehovah Kana tikasamudaidza yaparara nyika Nyarara Nyarara kuchema Muvambi nemukwanisi wekutenda kwedu Jehovah Kana tikasamudaidza yaparara nyika Nyarara Nyarara kuchema Ndakamuona mumwe waisekwa Nyarara Wairwara nemukondombera Nyarara kuchema Musadaro veduwe Nyarara Ndakaiona hama akavata panhovo Nyarara kuchema Waitambudzwa nehama Nyarara Musadaro veduwe Nyarara Mufunge kuna vanamai Vatakaviga pasi apa Vasina mhosva yavakatadza Mhosva ndeyachiremba Kuna vanababa vanababa vakatendeka Vakabatwa nedenda iri Mhosva ndeyamai Uye tine vana Vamwe vakadai sevacheche Vasina zvavanoziva Amen hallalujah Uye tine vana Vamwe vakadai sevacheche Vasina zvavakaita Ko vakaiteiko? Nyangwe vataitsiura ivavo vachiramba Hama ngativayamure Inga mweya waMwari Pavanoda kudya Kunwa kugeza nokupfeka Vaitirei zvakanaka Inga mweya waMwari Nyarara Mhinduro iripo mukoma Mhinduro ndiJesu WeNazareta Mhinduro yamaitsvaga yakawanikwa Mhinduro ndiJesu WeNazareta Mhinduro iripo mukoma Mhinduro ndiJesu WeNazareta Mhinduro yamaitsvaga yakawanikwa Mhinduro ndiJesu WeNazareta
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out