Lyrics

Dali wami, mudiwa wangu Ti-ti team (Eternity) Chiona zvino rudo rwangu nderwako Pakutanga kwazvo, taingobira-bira You became my best friend Nothing more and nothing less, yeah Mheni yerudo ndokurova ichibva mabvazuva Yakapeputsa moyo, ikatipa chiwono chataisatomboona Mheni yerudo ndokurova ichibva mabvazuva Hana yangu nehana yako, zvikaroverana pamwe Our life is so magical, yeah Chishamiso, dhali wangu Kuti takura murudo, takura murudo Chishamiso, mudiwa wangu Hona takura murudo, takura murudo Uri mweya wangu wekufema Uri Munyaradzi pandinochema Unondipa chiyedza zuva radoka, hee Unondigamha apo ndokoromoka, iwe Chengeta mazwi anerudo runonyevenutsa moyo Ndinokuda iwe dali, nguwe sthandwa sami Chengeta mazwi (mazwi) anerudo (anerudo) runonyevenutsa hana (hana) Ndinovatenda Mwari vakakusika, kuti uve wangu iwe Chishamiso, dhali wangu Kuti takura murudo, takura murudo Chishamiso, mudiwa wangu Hona takura murudo, takura murudo Huya ndikuratidze, huya ndikuratidze rudo Huya ndikuratidze iwe, oh Huya ndikuratidze, huya ndikuratidze rudo Huya ndikuratidze rudo Chishamiso, dhali wangu (hey) Kuti takura murudo (takura murudo) takura murudo Chishamiso, mudiwa wangu (hey) Hona takura murudo, takura murudo (Takura murudo) Yeah, nyaya dzemoyo Ooh, yeah Ndini Trevor wekwaDongo ini
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out