Lyrics

Mupfungwa nekushupika Mukutangira nekushaya Ndoitei Mwari, ndatadzeiko? Mhosva ndeyei Baba, zvadaro nei? Makambenge mune basa, uhm, rakanaka Kwaishandwa zvakanaka nemuripo waikugutsa Nhasi mazonzi enda uende Takashanda zvakakwana Zvakakwana mwanawe Hakuziriko kuguma Kuguma koupenyu Ramangwana zvichanaka, zvichanaka Tinokanganwa zviri shure Kunanavira zviri mberi Tariro ndiko kutarira ramangwana rinouya Mudiwa here ati enda uende? Ihama here dzakuvenga nhasi? Inhamo here yapinda mumba? Hurwere here hwakubata? Rufu here, wapamoyo waenda? Hakuziriko kuguma Kuguma koupenyu Ramangwana zvichanaka, zvichanaka Tinokanganwa zviri shure Kunanavira zviri mberi Tariro ndiko kutarira ramangwana rinouya Mudiwa here ati enda uende? Ihama here dzakuvenga nhasi? Inhamo here yapinda mumba? Hurwere here hwakubata? Rufu here, wapamoyo waenda? Hakuziriko kuguma Kuguma koupenyu Ramangwana zvichanaka, zvichanaka Tinokanganwa zviri shure Kunanavira zviri mberi Tariro ndiko kutarira ramangwana rinouya
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out