Lyrics

Mwari vari kukudaidza kuburikidza mudzinhepfenyuro Mapepanhau aunoverenga, Mwari vari kutaura newe Muhope dzaunorota nemunziyo dzimwe dzaunoterera Ndapota usamuramba, Jesu ari kukutsvaka Mwari vari kukudaidza kuburikidza mudzinhepfenyuro Mapepanhau aunoverenga, Mwari vari kutaura newe Muhope dzaunorota nemunziyo dzaunoterera Ndapota usamuramba, Jesu ari kukutsvaga Ndiri mufudzi akanaka, makwai angu anonzwa izwi rangu Ndiri mufudzi akanaka, angu makwai wo ndinoaterera Mufudzi wakakokwa anodyisa makwai namapere pakumanikidzwa Asi ndiri mufudzi akanaka, angu makwai ndinoafira Ndiri mufudzi akanaka, makwai angu anonzwa izwi rangu Ndiri mufudzi akanaka, angu makwai wo ndinoaterera Mufudzi wakakokwa anodyisa makwai namapere pakumanikidzwa Asi ndiri mufudzi akanaka, angu makwai ndinoafira Mwari vakauya panyika varonga kuyanana nemunhu Kunyangwe Eve na Adam vakatadza Asi Mwari vakaronga kuyanana Ishe vakataura nenyika vari mumakomo nemumakwenzi Mwari vakataura nenyika kuburukidzanawo nemaporofita Ishe vakauya vega variivo mwakomana Jesu Vakazouya panyika zvino soMweya Mutsvene Mwari vakauya panyika varonga kuyanana nemunhu Kunyangwe Eve na Adam vakatadza Asi Mwari vakaronga kuyanana Ishe vakataura nenyika vari mumakomo nemumakwenzi Mwari vakataura nenyika kuburukidzanawo nemaporofita Ishe vakauya vega variivo mwakomana Jesu Vakazouya panyika zvino soMweya Mutsvene Ndiri mufudzi akanaka, makwai angu anonzwa izwi rangu Ndiri mufudzi akanaka, angu makwai wo ndinoaterera Mufudzi wakakokwa anodyisa makwai namapere pakumanikidzwa Asi ndiri mufudzi akanaka, angu makwai ndinoafira Ndiri mufudzi akanaka, makwai angu anonzwa izwi rangu Ndiri mufudzi akanaka, angu makwai wo ndinoaterera Mufudzi wakakokwa anodyisa makwai namapere pakumanikidzwa Asi ndiri mufudzi akanaka, angu makwai ndinoafira Be still and know that I am God Kuna vanhu vakawanda vakasiya nyika dzakanaka Kuna vanhu vakawanda vakasiya mari dzakawanda Kuti vashumire shoko rekudenga kwauri mudikani Ndapota usamuramba, Jesu ari kukutsvaka Kana varume vakawanda vakasiya misha yakanaka Navakadzi vakawanda vakasiya mabasa ane mari Kuti vashumire shoko rekudenga kwauri mudikani Ndapota usamuramba, Jesu ari kukutsvaka Ndiri mufudzi akanaka, makwai angu anonzwa izwi rangu Ndiri mufudzi akanaka, angu makwai wo ndinoaterera Mufudzi wakakokwa anodyisa makwai namapere pakumanikidzwa Asi ndiri mufudzi akanaka, angu makwai ndinoafira Ndiri mufudzi akanaka, makwai angu anonzwa izwi rangu Ndiri mufudzi akanaka, angu makwai wo ndinoaterera Mufudzi wakakokwa anodyisa makwai namapere pakumanikidzwa Asi ndiri mufudzi akanaka, angu makwai ndinoafira
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out