Top Songs By Charles Charamba & Fishers Of Men
Similar Songs
Credits
PERFORMING ARTISTS
Charles Charamba & Fishers Of Men
Performer
COMPOSITION & LYRICS
Charles Charamba & Fishers Of Men
Songwriter
Lyrics
Ngakurege kuva nemunhu anonditorazve kundidzosera kwandainge ndiri
Ngakurege kuva nemunhu anondibata ruoko kundidzosera kwandairarama
Ngakurege kuva nemunhu anondizevezera munzeve dzangu zvekuramba Jesu

Hapana chandichambogarira pano ka inini zvandadaidzwa naJesu zvanaka
Mukoma hapana kana chandichamirira
panoka ini zvandasangana naJesu zvanaka
Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka
Mukoma hapana kana
chandichambogarira panoka ini kusangana naJesu kwanaka
Masango andafamba ndiri ndega awanda
Masango andafamba ndiri ndega inini awanda
Nzendo dzandangozvifambira ndega mukoma dzawanda
Nzendo dzandangozvifambira ndiri ndega dzawanda
Pfuma yandakashingaira ndega mukoma yose yakapera kubiwa nembavha

Dzimba dzandakazvivakira ndiri
ndega dzose dzave pasi kudonha nemuchenje
Misha yandakazvimisira ndega inini yose yave pasi kudonha nemuchenje
Ndakaita shungu dzakawanda handina kana chimwe chandipa pundutso
Ndakaita shungu dzakawanda handina kana chimwe chandabuda nacho
Ndakayamurawo vakawanda hapana kana mumwe wakati tatenda
Ndakabetserawo vakawanda hapana kana mumwe wakati tavonga
Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka
Inini hapana kana chandingamirira
panoka mukoma zvandasangana naJesu ndoenda
Hapana chandichambogarira panoka ini zvandasangana naJesu zvanaka
Hapana chandichambogarira panoka mukoma zvandadaidzwa nababa zvanaka
Masango andafamba ndiri ndega ndati awanda
Masango andafamba ndiri ndega awanda
Dzimba dzandakazvimisira ndiri
ndega dzose dzave pasi kudonha nemuchenje
Misha yandakazvivakira ndoga mukoma yose yave pasi kudonha nemuchenje
Pfuma yandakashingaira ndiri ndega yose yakapera kubiwa nembavha

Ndakaita shungu dzakawanda hapana kana chimwe chandipa pundutso
Ndakaita shungu dzakawanda hapana kana chimwe chandabuda nacho
Ndakayamurawo vakawanda hapana kana mumwe wakati tatenda
Ndakabetserawo vakawanda hapana kana mumwe wakati tavonga
Vamwe ndakavapa hanzu dzandaipfeka vachena ndokudini kundidadira nadzo
Vamwe ndakavapa hanzu dzandipfeka vachena ndokudini kundidadira nadzo
Vamwe ndakavabaira zanhi tarirai mourayiwa vakandiitei vakanditengesa
Vamwe ndakavabaira zanhi tarirai mopondewa vakandiitei ndokunditengesa
Vamwe ndakavapa mombe hedzo murimise
vakati kudini hedzo dzauya tobaya nyama
Vamwe ndokuvapa mombe torai murimise
vakati kudini hedzo dzauya tobaya nyama
Vamwe ndokuvapa zvekudya zvangu vaguta ndokudini kundibaira matura
Vamwe ndakavapa zvekudya zvangu vaguta ndokudini kundibaira matura
Vamwe ndakavapa moyo wangu vakaitei nawo vanhu vakaubaya
Vamwe ndakavapa kuvapa moyo wangu vakaitei nawo vanhu vakaubaya
Hapana chandichambogarira pano
(hondere iye) zvandadaidzwa naJesu zvanaka
Ho ndoita seiko baba
Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka
Ho ndingaite seiko baba
Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka
Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka
Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka
Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka
Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka
Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka
Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka
Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka
Ngakurege kuva nemunhu anonditorazve kundidzosera kwandainge ndiri
Ngakurege kuva nemunhu anondibata ruoko kundidzosera kwandairarama
Ngakurege kuva nemunhu anondizevezera munzeve dzangu zvekuramba Jesu
Ngakurege kuva nemunhu anonditorazve kundidzosera kwandainge ndiri
Ngakurege kuva nemunhu anondibata ruoko kundidzosera kwandairarama
Ngakurege kuva nemunhu anondizevezera munzeve dzangu zvekuramba Jesu
Lyrics powered by www.musixmatch.com