Lyrics

Ngakurege kuva nemunhu anonditorazve kundidzosera kwandainge ndiri Ngakurege kuva nemunhu anondibata ruoko kundidzosera kwandairarama Ngakurege kuva nemunhu anondizevezera munzeve dzangu zvekuramba Jesu Ngakurege kuva nemunhu anonditorazve kundidzosera kwandainge ndiri Ngakurege kuva nemunhu anondibata ruoko kundidzosera kwandairarama Ngakurege kuva nemunhu anondizevezera munzeve dzangu zvekuramba Jesu Hapana chandichambogarira pano ka inini zvandadaidzwa naJesu zvanaka Mukoma hapana kana chandichamirira panoka ini zvandasangana naJesu zvanaka Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka Mukoma hapana kana chandichambogarira panoka ini kusangana naJesu kwanaka Masango andafamba ndiri ndega awanda Masango andafamba ndiri ndega inini awanda Nzendo dzandangozvifambira ndega mukoma dzawanda Nzendo dzandangozvifambira ndiri ndega dzawanda Pfuma yandakashingaira ndega mukoma yose yakapera kubiwa nembavha Pfuma yandakashingaira ndega mukoma yose yakapera kubiwa nembavha Dzimba dzandakazvivakira ndiri ndega dzose dzave pasi kudonha nemuchenje Misha yandakazvimisira ndega inini yose yave pasi kudonha nemuchenje Ndakaita shungu dzakawanda handina kana chimwe chandipa pundutso Ndakaita shungu dzakawanda handina kana chimwe chandabuda nacho Ndakayamurawo vakawanda hapana kana mumwe wakati tatenda Ndakabetserawo vakawanda hapana kana mumwe wakati tavonga Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka Inini hapana kana chandingamirira panoka mukoma zvandasangana naJesu ndoenda Hapana chandichambogarira panoka ini zvandasangana naJesu zvanaka Hapana chandichambogarira panoka mukoma zvandadaidzwa nababa zvanaka Masango andafamba ndiri ndega ndati awanda Masango andafamba ndiri ndega awanda Dzimba dzandakazvimisira ndiri ndega dzose dzave pasi kudonha nemuchenje Misha yandakazvivakira ndoga mukoma yose yave pasi kudonha nemuchenje Pfuma yandakashingaira ndiri ndega yose yakapera kubiwa nembavha Pfuma yandakashingaira ndiri ndega yose yakapera kubiwa nembavha Ndakaita shungu dzakawanda hapana kana chimwe chandipa pundutso Ndakaita shungu dzakawanda hapana kana chimwe chandabuda nacho Ndakayamurawo vakawanda hapana kana mumwe wakati tatenda Ndakabetserawo vakawanda hapana kana mumwe wakati tavonga Vamwe ndakavapa hanzu dzandaipfeka vachena ndokudini kundidadira nadzo Vamwe ndakavapa hanzu dzandipfeka vachena ndokudini kundidadira nadzo Vamwe ndakavabaira zanhi tarirai mourayiwa vakandiitei vakanditengesa Vamwe ndakavabaira zanhi tarirai mopondewa vakandiitei ndokunditengesa Vamwe ndakavapa mombe hedzo murimise vakati kudini hedzo dzauya tobaya nyama Vamwe ndokuvapa mombe torai murimise vakati kudini hedzo dzauya tobaya nyama Vamwe ndokuvapa zvekudya zvangu vaguta ndokudini kundibaira matura Vamwe ndakavapa zvekudya zvangu vaguta ndokudini kundibaira matura Vamwe ndakavapa moyo wangu vakaitei nawo vanhu vakaubaya Vamwe ndakavapa kuvapa moyo wangu vakaitei nawo vanhu vakaubaya Hapana chandichambogarira pano (hondere iye) zvandadaidzwa naJesu zvanaka Ho ndoita seiko baba Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka Ho ndingaite seiko baba Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka Hapana chandichambogarira pano zvandadaidzwa naJesu zvanaka Ngakurege kuva nemunhu anonditorazve kundidzosera kwandainge ndiri Ngakurege kuva nemunhu anondibata ruoko kundidzosera kwandairarama Ngakurege kuva nemunhu anondizevezera munzeve dzangu zvekuramba Jesu Ngakurege kuva nemunhu anonditorazve kundidzosera kwandainge ndiri Ngakurege kuva nemunhu anondibata ruoko kundidzosera kwandairarama Ngakurege kuva nemunhu anondizevezera munzeve dzangu zvekuramba Jesu
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out