Lyrics

Iye mukadzi muSamaria akabvunza Zvikanzi, "Madzibaba edu vainamata mugomo iri VaJuda voti muJerusarema ndomokunamatira Saka toita sei?" Mukadzi muSamaria akabvunza Zvikanzi, "Madzibaba edu vainamata mugomo umu Imimi moti muJerusarema ndomokunamatira Saka toenda kupi?" Ishe Jesu vakamupindura "Zvino teerera, murandakadzi teerera, muSamaria teerera Ichakwana nguva nazvino yatokwana, kuti vanonamata baba Vachavanamata mumweya nomuzvokwadi, Baba vanotsvaga vakadaro" Ishe Jesu ndokumupindura "Zvino teerera, murandakadzi teerera, muSamaria teerera Ichakwana nguva nazvino yatokwana yekuti vanorumbidza baba Vachavarumbidza mumweya nomuzvokwadi, Baba vanotsvaga vakadaro Yatokwana baba (yatokwana nguva yacho yatokwana) Yatokwana baba (yatokwana nazvino yatokwana) Yatokwana baba (yatokwana nguva yacho yatokwana) Yatokwana baba (yatokwana nazvino yatokwana) Watokwana mwaka wacho (watokwana mwaka wacho watokwana) Watokwana baba (watokwana nazvino watokwana) Watokwana mwaka (watokwana mwaka wacho watokwana) Watokwana baba (watokwana nazvino watokwana) Ratokwana gore (ratokwana gore racho ratokwana) Ratokwana baba (ratokwana nazvino ratokwana) Ratokwana gore (ratokwana gore racho ratokwana) Ratokwana baba (ratokwana nazvino ratokwana) Yes Mukadzi muSamaria akabvunza Zvikanzi, "Madzibaba edu vainamata mugomo iri Imimi moti muJerusarema ndomokunamatira Isu toenda kupi?" Mai muSamaria ndokubvunza Zvikanzi, "Madzibaba edu vairumbidza mugomo umu MaJudah moti muJerusarema ndomokunamatira Saka toenda kupi?" Ishe Jesu vakamupindura "Mai teererai, murandakadzika teerera, muSamaria teerera Ichakwana nguva nazvino yatokwana yekuti vanonamata baba Vachavanamata mumweya nomuzvokwadi, Baba vanotsvaga vakadaro" Ishe Jesu ndokumupindura "Zvino teerera, murandakadzika teerera, muSamaria teerera Eh, ichakwana nguva nazvino yatokwana yekuti vanorumbidza baba Vachavarumbidza mumweya nomuzvokwadi, Baba vanotsvaga vakadaro" Yatokwana baba (yatokwana nguva yacho yatokwana) Yatokwana baba (yatokwana nazvino yatokwana) Yatokwana baba (yatokwana nguva yacho yatokwana) Yatokwana baba (yatokwana nazvino yatokwana) Watokwana mwaka, mwaka wacho (watokwana mwaka wacho) Watokwana baba (watokwana nazvino watokwana) Watokwana mwaka, mwaka wacho (watokwana mwaka wacho) Watokwana baba (watokwana nazvino watokwana) Ratokwana gore (ratokwana gore racho ratokwana) Ratokwana baba (ratokwana nazvino ratokwana) Ratokwana gore (ratokwana gore racho ratokwana) Ratokwana baba (nazvino ratokwana) Yeee, yeee, peace be unto you Rugare ngaruve nemi Nziyo dzesvondo dzakanaka asi raramai shoko ramunoimba Nziyo dzesvondo dzakanaka asi raramai shoko ramashaura Zvipfeko dzesvondo zvakanaka, kana mopfeka mopfekawo naJesu Zvipfeko zvesvondo zvakanaka asi moyo yenyu ngaipfeke Jesu Kuparidza vhangeri kwakanaka asi raramai shoko ramaparidza Kuparidza vhangeri kwakanaka asi raramai shoko ramaparidza
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out