Lyrics

Alick, Alick, ndire, ndire Varidzi vemafaro, vanoita kuti mafaro uvepo Hey Alick Macheso, Phenomenon, Chikopokopo Noel Nyazanga, Mvuramabwe Zacharia, Zacharia, Mwedzi-chayedza Lucky Mumiriki, Mubvumbi Sergio Kasamba, Muvhenekeri mukati merima Elton Muropa Franco Daka, Engine yechitima Obert Gomba auya nemabhananána Kutsvaga mhosva pasina, kundimanikidza kubvuma zvandisina mhai Ndiyeyu (ndiyeyu) ndiyeyu (ndiyeyu) zvanzi ndiyeyu Koo ini ndazivei? Ndazivei? Kutsvaga mhosva pasina, kundimanikidza kubvuma zvandisina mhai Ndiyeyu (ndiyeyu) ndiyeyu (ndiyeyu) zvanzi ndiyeyu Koo ini ndazivei? Ndazivei? Kutsvaga Mwari kure-kure tichimusiya mumba matabuda varume Kukwidza makomo (kukwidza makomo) nemuzvitombo (nemuzvitombo Masango akadziva (masango akadziva) masango anoyera (anoyera) Kutsvaga Mwari kure-kure tichimusiya mumba matabuda varume Kukwidza makomo (kukwidza makomo) nemuzvitombo (nemuzvitombo Masango akadziva (masango akadziva) masango anoyera (anoyera) Mwari watinotenda ndiye Mwari wemhondi nevanopfuka varume (Kusiyana pakuti mwene umire papi) umire papi? (Unobatei?) Unobatei, zvingaite uraramise (uraramise) Mwari watinotenda ndiye Mwari wemhondi nevanopfuka varume (Kusiyana pakuti mwene umire papi) umire papi? (Unobatei?) Unobatei, zvingaite uraramise (uraramise) Vabereki tisarerere vana mu-tray, kuvaita sechingwa Ngativarayei (ngativarayei) mumazvirikwazvo (mumazvirikwazvo) Mune zvekwedu (mune zvekwedu) zvimwe zvisi zvevamwe (zvisi zvevamwe) Vabereki tisarerere vana mu-tray, kuvaita sechingwa Ngativarayei (ngativarayei) mumazvirikwazvo (mumazvirikwazvo) Mune zvekwedu (mune zvekwedu) zvimwe zvisi zvevamwe (zvisi zvevamwe) Newe musvikazuro zvakubata papi kuzenge sewaivapo Wanga uripi? (Wanga uripi) mwana wazuro (mwana wazuro) mukaka pamhuno (Mukaka pamhuno) kutsvaga hushe husihwako (hushe husihwako) Newe musvikazuro zvakubata papi kuzenge sewaivapo munun'una Wanga uripi? (Wanga uripi?) mwana wazuro uno (mwana wazuro) mukaka pamhuno (Mukaka pamhuno) kutsvaga hushe husihwako (hushe husihwako) Kana wafunga mugodhi (chera kusvika wabata mvura) Vanhu voturuka (kuzochera mvura uchanzi uri gamba) Hugamba huri pakawanda (hunoonekwa kuburikidza nemabasa) Kana wafunga mugodhi (chera kusvika wabata mvura) Vanhu voturuka (kuzochera mvura uchanzi uri gamba) Hugamba huri pakawanda (hunoonekwa kuburikidza nemabasa) Kana wafunga kuvaka (vaka kusvika musha wapera) Mhuri yopembera (kurongedza midziyo tave pamusha) Tave pamusha (tingadei zviuya zviri mberiyo?) Kana wafunga mumhanzi (ridza uimbe vanhu vadakare) Kana vadakara (urumbidze Mwari wako chete) Kana zvaramba (usazotuke Mwari nevadzimu) Chikopokopo, chikopokopo, chikopokopo, chikopokopo Alick, Alick, Ndire, Alick Ndire, Alick Usavundutsirwe nezizi kuti rine nyanga Hadzisi nyanga, inzeve
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out