Lyrics

Vakuru woye Nhai Vakuru woye Vakuru woye Ndine nyaya yandinayo varume Vakuru woye Nhai Vakuru woye Vakuru woye Ndine nyaya yandinayo varume Ndine tsamba yangu Tsamba yandanyora Musvitse kuna mai vangu Ndiyo nyaya yandinayo varume Ndine tsamba yangu Tsamba yandanyora Musvitse kuna mai vangu Ndiyo nyaya yandinayo varume Muvaudze kuti ndanyora nemoyo wakaoma Muvaudze kuti ndanyora nemoyo une shungu Muvaudze kuti ndanyora misodzi ichiyerera Muvaudze kuti ndanyora ruoko ruchidedera Amai tiriko kumusha Takanzwa kuti muri kufara kumarimuka Ambuya vamakatisiira vakura Muviri wavo warukutika havachagona Havagoni kutiriritira vachembera Hatigoni kuzviriritira tichiri pwere Mai hatina chimiro Ndizvo zvamakada Hatina chimiro Ndizvo zvamakada Tiri kutenderera Tiri kudzungaira Tiri kutsvaga raramo zvamakada Tiri kutenderera Tiri kudzungaira Tiri kutsvaga raramo zvamakada Kutibereka maisada, zvimwe masanga Kuondoroka kupera kuwonda serutsanga Kukanganwa mhuri kuenda semombe yemashanga Pwere kusarofudza mombe gumi rematanga Miviri kusanduka ruvara nemavanga Mai hatina chimiro Ndizvo zvamakada Tiri kutenderera Tiri kudzungaira Tiri kutsvaga raramo zvamakada Tiri kutenderera Tiri kudzungaira Tiri kutsvaga raramo zvamakada Amai tiriko kumusha Takanzwa kuti muri kufara kumarimuka Ambuya vamakatisiira vakura Muviri wavo warukutika havachagona Havagoni kutiriritira vachembera Hatigoni kuzviriritira tichiri pwere Mai hatina chimiro Ndizvo zvamakada Hatina chimiro Ndizvo zvamakada Tiri kutenderera Tiri kudzungaira Tiri kutsvaga raramo zvamakada Tiri kutenderera Tiri kudzungaira Tiri kutsvaga raramo zvamakada
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out