Lyrics

Baba namai kani musarambane, munotyora kodzero dzedu isu vana Vana tozoguma torarama senherera, munouziva muraramiro wenherera Musati marambana kani tangai mafunga, ko vana zvotosiya vari vega Ndianiko achavachengeta, munouziva muraramiro wenherera Mombe iya iripo ndiyoka inochengetedzwa ndeyesipo inoenda nesango Inotozokumbira bere ichiti ndimai, unouziva muraramiro wenherera Gore riya makanzi namai baba mararepi, mukatiza musha kuenda Sierra Lione Dai pasina Ebola yakakudzosai, tairarama kunge baba vemusha vakafa Gore riya makanzi namai baba mararepi, mukatiza musha kuenda South Africa Dai pasina maelections akakudzosai, tairarama kunge baba vemusha vakafa Mashinga here amai kutakura mukwende, muchityora kodzero dzedu isu vana Vana tozoguma torarama senherera, munouziva muraramiro wenherera Hebert Mutasa Nyikayepambiriro, Taurai Magumbe iiiii Johanis Chidhonoro Tatenda Mudyauto, Simbarashe Chaka Amai dzidzaiwo kusheedza baba muchiti daddy, ende muchaona rudo ishasha Baba dzidzaiwo kuregerera mai vatadza, ende muchaona rudo ishasha Vakawanda dai vakarambana asi nekuda kwevana inga vachembedzana wani Vakawanda dai vakarambana asi nekuda kwekuregererana inga vachembedzana Rudo rwemazuva ano rwakangofanana nekupinda gurupu rewatsapu Rudo rwemazuva ano rwakangofanana nekupinda gurupu rewatsapu Apinda nhasi mangwana abuda, apinda nhasi mangwana exit Unombopindirei mugurupu macho iwe une foni inoda charger yekatsono, ko ikastika Rudo rwemazuva ano rwakangofanana nekupinda gurupu rewatsapu Rudo rwemazuva ano rwakangofanana nekupinda gurupu rewatsapu Apinda nhasi mangwana abuda, apinda nhasi mangwana exit Unombopindireiko mugurupu macho iwe une foni inoda charger yekatsono, ko ikafreezer Rudo rwekudaro harudi kudaro, zvinhu zvekudaro hazvidi kudaro Ngarurege kukurumidza kupera rudo sembiri yezvihuta Murume anorova mukadzi akafanana neanopinda mubutcher achitenga nyama Oiwaridza pasi, kutora zidanda otanga kuzvambura muriwo usadaro Kana uchirova mukadzi wakafanana neanopinda mubutcher achitenga nyama Oiwaridza pasi, kutora zidanda otanga kuzvambura muriwo usadaro Dananaiwo(Dananaiwo) Dananaiwo(Dananaiwo) Rudo(Dananaiwo) Rudo ishasha(Rudo ishasha) Rudo ishasha(Rudo ishasha) Akasangovhiringidzwa formula(Rudo ishasha) Akasangowana mbavha yerudo(Rudo ishasha) Asingaite chitsotsi pawatsapu(Rudo ishasha) Asingagezi akaruma foni(Rudo ishasha) Kupesana kwakanaka kana tichifamba vaChiyekete kwete mumatauriro nemumagariro Kupesana kwakanaka kana tichifamba vaZilalawe kwete mumatauriro nemumagariro Kupesana kwakanaka kana tichifamva vaMusiyiwa kwete mumatauriro nemumagariro Kupesana kwakanaka kana tichifamba Boss Kodzawe kwete mumatauriro nemumagariro Ninety-two GP Heheheheehee dzimwe nyika dzapindira, Donald Gogo mukwapura waya Mutunhu una mago Mark Ngwazi size five and half yebhutsu, hande mudhara Charlette Watanga, Brian Musungwa, Work Darwin Natie Bee, Loyd Gonye slow but sure, rova
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out