Lyrics

Ndaisunga hata kutakura ranguwo svinga Nditsigewoka kana uri wangu Nditsigewoka kana uri wangu Ini ndaisunga hata kutakura ranguwo svinga Nditsigewoka kana uri wangu Hanzi washunya arwa vakomana regaiwo ndizame Zvimwe ndingangopundukawoka Mwari ndewedu tose Hanzi washunya arwa vakomana regaiwo ndizame Zvimwe ndingangopundukawoka Mwari ndewedu tose Zvino ndoita kuronda kwavakazviwana Vaya vakakunda honai vopembedzwa Ini ndoita kuronda kwavakazviwana Vaya vakakunda ndivo vopembedzwa Baba ndoda kubata panorema kutsvaga kupundukawo Handidi kuva chitota hwiza isina manda Ini ndoda kubata panorema kutsvaga kupundukawo Handidi kuva chitota hwiza isina manda Mati ndoramba sei kufamba rwendo rwakaoma Ruzere makwidza ndihwo upenyu hwacho Ini ndoramba sei kufamba rwendo rwakaoma Ruzere makwidza ndihwo upenyu hwacho Saka ndoda kubata panorema kutsvaga kupundukawo Handidi kuva chitota hwiza isina manda Saka ndaisunga hata kutakura ranguwo svinga Nditsigewoka kana uri wangu Zora! Handina wangu ininiwo Zanondega ini zvangu Handina wangu ininiwo Zanondega ini zvangu Handina wangu nhai iniwo Zanondega ini zvangu Panorwa mikono hapameriba huswa Asi nharo dzangu ndotofira mukuedza chete Panorwa mikono hapameriba huswa Asi nharo dzangu ndotofira mukuedza ini Kutsipikwa fungwa handirambiba zvangu Asi zano rangu richapenya semheni bedzi Kutsipikwa fungwa handirambiba zvangu Asi zano riya richapenya semheni bedzi
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out