Lyrics

Mwana waMambo akachengetwa nehondo Anenge ruva riri pasanzu rinobaya Kana womupfimba, wopfimba wakaringe nzira Nekuti hondo inouya uripo Wakanotora wega mbeu yehuMambo Vachazokubvunza zuva remuripo Kana womupfimba, wopfimba wakaringe nzira Nekuti hondo inouya uripo Ende haudzirote dzinorota vamwe haudzirote Uchatokungurutsa dombo reGoridhe Ukadzamba dzamba (zvaoma) Ukandandama (zvaoma) Ukatsenga mukanwa (zvaoma) Iwe vanokanda miseve (zvaoma) Ende hauridye rinopisa hauridye Uchatokungurutsa dombo reGoridhe Ukadzamba dzamba (zvaoma) Ukandandama (zvaoma) Ukatsenga mukanwa (zvaoma) Iwe vanokanda miseve (zvaoma) Washinga kudongorera mwana waMambo Woshuva kusanganiswa nehumambo Hmm wadenha mangwiro, wadenha hombiro Haikona kuzemberana nemwana waMambo Washinga kudongorera mwana waMambo (njeere kunje) Woshuva kusanganiswa nehumambo (njere kunje) Wadenha mangwiro, wadenha hombiro (njeere kunje) Haikona kuzemberana nemwana waMambo (njeere kunje) Wakanzi mwanasikana usabude mudendere Muzunde raMambo mungamuke tsekwende Mambo kwindima, mwanasikana kwindima Haa kwindima, muromo mumhuno kwindima Wakanzi mwanasikana usabude mudendere Muzunde raMambo mungamuke tsekwende Mambo kwindima, mwanasikana kwindima Haa kwindima, muromo mumhuno kwindima Nyemwerera mwana mutema Tione saka nemeno machena aya Chinguri ndakabviro kanda shoko rerudo (aah, aah) rerudo (aah, aah) Hoo, nyemwerera mwana mutema Tione saka nemeno machena Chinguri ndakabviro kanda shoko rerudo (aah, aah) rerudo (aah, aah) Ndini uyo, inzwai mukoma ndini uyo Chengeta muhana usareve nemuromo Ndafunga kufamba mudima, musina anoronda Ndafunga kupotera pamuzinda waMambo Ha, ndini uyo, inzwai mukoma ndini uyo Chengeta muhana usareve remuromo Ndafunga kufamba mudima musina anoronda Ndafunga kupotera pamuzinda waMambo Ende haudzirote dzinorota vamwe, haudzirote Uchatokungurutsa dombo reGoridhe Ukadzamba dzamba (zvaoma) Ukandandama (zvaoma) Ukatsenga mukanwa (zvaoma) Iwe vanokanda miseve (zvaoma) Ende hauridye rinopisa, hauridye Uchatokungurutsa dombo reGoridhe Ukadzamba dzamba (zvaoma) Ukandandama (zvaoma) Ukatsenga mukanwa (zvaoma) Iwe vanokanda miseve (zvaoma) Ndapfidza, ndakadarika mwero ndapfidza (tiri muchirangano) Ndabvunza (chirangano) Kuna Mwari akasika (tiri muchirangano) Takabvumirana (chirangano) Tichagara kwemakore zana (tiri muchirangano) Vakabatikana (chirangano) Changamire vakabatikana (tiri muchirangano) Ndapfidza, ndakadarika mwero ndapfidza (tiri muchirangano) Ndabvunza (chirangano) Kuna Mwari akasika (tiri muchirangano) Takabvumirana (chirangano) Tichagara kwemakore zana (tiri muchirangano) Vakabatikana (chirangano) Changamire vakabatikana (tiri muchirangano) Haa ndapfidza, ndakadarika mwero ndapfidza (tiri muchirangano) Ndabvunza (chirangano) Kuna Mwari akasika (tiri muchirangano) Takabvumirana (chirangano) Tichagara kwemakore zana (tiri muchirangano) Vakabatikana (chirangano) Changamire vakabatikana (tiri muchirangano) Ndapfidza, ndakadarika mwero ndapfidza (tiri muchirangano) Ndabvunza (chirangano) Kuna Mwari akasika (tiri muchirangano) Takabvumirana (chirangano) Tichagara kwemakore zana (tiri muchirangano) Vakabatikana (chirangano) Changamire vakabatikana (tiri muchirangano)
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out