Lyrics

Haaya, haaya Ndinomboringa kumabvazuva, zuva parinobuda Ndinokaruka rava rimwe zuva pasina andipindura Dzakaenda dzakarova hama, hakuna akadzoka Takangodyara hama kunge mbeu dzisingazombobuda Makatativimbisa kuti tikauya muchatigarisa kune ndarama Nyama ichaorera muguva mweya uchasimudzira nguva (makativimbisa kuti tikauya muchatigarisa kune ndarama, asi tichaenda tisina kuonekana) Famba zvakanaka mweya wakachena Sarai zvakanaka, tosangana pakudenga Famba zvakanaka, mweya wakachena Sarai zvakanaka, tosangana pakudenga Inzwai waro, inzwai mhere kurira, inzwai waro Inzwai waro, inzwai mhere kurira,inzwai waro Musiyano uri pazuva rekufa, musiyano Musiyano uri pazuva rekufa, musiyano (takangomirira nguva) Tinamatire (takamirira nguva) nguva handizive (takangomirira nguva) Samatemga kana mauya (takamirira nguva) Monditora ndirere (takangomirira nguva) Muripo pachigaro cheushe (takamirira nguva) Ndokuonai mugere (takangomirira nguva) Ahh ishe (takamirira nguva) nguva handizive Dzingori ngoni dzinoburuka kudai, nguva handizive Dzingori ngoni dziniburuka kudai asi nguva handizive Famba zvakanaka mweya wakachena Sarai zvakanaka, tosangana pakudenga Famba zvakanaka mweya wakachena Sarai zvakanaka tosangana, pakudenga Ishe mukatora vana vangu dzichingori pwere mandiramba Shamhu yamunenge mandirova nayo ine minzwa inobaya Zvamunenge mandipinza mudziva remisodzi humwaya mwaya Zvamunenge mandinyudza pfumo muhana hubaya-baya (kumbira) Ndokumbira mazuva changamire (kumbira) Handeha ndeya ndeya (kumbira) Ndipei makore changamire (kumbira) Handeha ndeya ndeya (kumbira) Zuva rekuenda richauya (kumbira) Ndachangokusiyawo uchindida (kumbira) Vachanongedzerana vakauraya (kumbira) Kana wandisiya ndichikuda (kumbira) Uvataurire vachandiroya kuti kuchauya vachavaroya Asi uvaudze vachandibaya kuti kune pfumo richavabaya Famba zvakanaka mweya (mweya-a) wakachena Sarai zvakanaka, tosangana pakudenga Famba zvakanaka Mweya (mweya) wakachena Sarai zvakanaka, tosangana pakudenga Makativimbisa kuti tikauya muchatigarisa kune ndarama Asi tichaenda tisina kuonekana Makativimbisa kuti tikauya muchatigarisa kune ndarama asi tichaenda tisina kuonekana
Lyrics powered by www.musixmatch.com
Get up to 2 months free of Apple Music
instagramSharePathic_arrow_out