Featured In

Credits

PERFORMING ARTISTS
Chazezesa Challengers
Chazezesa Challengers
Vocals
System Tazvida
System Tazvida
Vocals
COMPOSITION & LYRICS
System Tazvida
System Tazvida
Songwriter
PRODUCTION & ENGINEERING
System Tazvida
System Tazvida
Producer

Lyrics

Bhebhi rakanaka chindidawo iwe Ndini ndega ndasara ndisina mudiwa Bhebhi rakanaka chindidawo iwe Ndini ndega ndasara ndisina kuroora Vandinoshanda navo vese ava vakadiwa kare Vane avo mabhebhi ari kumba Ukanzwa vachikumisa ruchiva chete Bhebhi rakanaka chindidawo iwe Ndini ndega ndasara ndisina kuroora Vandinofamba navo vese ava vakadiwa kare Vane avo mabhebhi ari kumba Ukanzwa vachikumisa ruchiva chete Bhebhi rakanaka ndichonyewo Kwandabvira kwareba ndichingokuyeva Runako rwako ireza mucheka kwese Ndadonhedza rute senyama isina ndaguta Bhebhi rakanaka ndichonyewo Kwandabvira kwareba ndichingokuyeva Runako rwako ireza mucheka kwese Ndadonhedza rute senyama isina ndaguta Tsvarakadenga yanyadenga nditsvodewo Baba namai vagofara kupemberera Mwana wangu rave gamba waroore mhandara Tsvarakadenga yanyadenga nditsvodewo Baba namai vagofara kupemberera Mwana wangu rave gamba waroore mhandara Rudo rwunonaka rwunonyanyonakidza Kana wadiwa newaunoda Rudo rwunonaka rwunonyanyonakidza Kana wadiwa newaunoda ugova naye murudo Rudo rwunonaka rwunonyanyonakidza Kana wadiwa newaunoda Rudo rwunonaka rwunonyanyonakidza Kana wadiwa newaunoda ugova naye murudo Wakanaka zvako bhebhi Koukandida zvakaipeiko mwana Wakanaka zvako dhiya Koukandida zvakaipeiko mwana Wakanaka zvako ndaombera Koukandida zvakaipeiko mwana Wakanaka zvako ndabvuma Koukandida zvakaipeiko mwana Bhebhi rakanaka iwe chindidawo Bhebhi rakanaka iwe chindidawo Bhebhi rakanaka iwe chindidawo Bhebhi rakanaka iwe chindidawo Bhebhi rakanaka iwe chindidawo Bhebhi rakanaka iwe chindidawo Ivawo wangu bhebhiwe Ivawo wangu ndigofara Ivawo wangu bhebhiwe Ivawo wangu ndigofara Dzimwe nguva ndingarote hope dzakanaka Ivawo wangu ndigofara Dzimwe nguva ndingarote hope dzakanaka Ivawo wangu ndigofara Chindidawo bhebhiwe Chindidawo ndigofara Chindidawo bhebhiwe Chindidawo ndigofara Dzimwe nguva ndingarote hope dzakanaka Chindidawo ndigofara Dzimwe nguva ndingarote hope dzakanaka Chindidawo ndigofara Ndoda wakanaka inini mabhebhi Ndoda wakanaka inini wekuroora Ndoda wakanaka inini malavhi Ndoda wakanaka inini wekuroora Ndoda wakanaka inini mabhebhi Ndoda wakanaka inini wekuroora
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out