Lyrics

Dai hanzvadzi yairoorwa, ndingadai ndakaroora yangu Kwete kuchiva kunaka, asi kuchiva tsika Kwete zvandakazoroora izvi, inhamo chaiyo Kungwarira paduri sehuku, kutodza amai sekurima Dai hanzvadzi yairoorwa, ndingadai ndakaroora yangu Kwete kuchiva kunaka, asi kuchiva tsika Kwete zvandakazoroora izvi, inhamo chaiyo Kungwarira paduri sehuku, kutodza amai sekurima Anotuka amai vangu, muroora, ambuya Anotuka amai vangu, muroora, ambuya Anoudza vabereki vangu utsvina, muroora Anoudza vabereki vangu utsvina, muroora Anonyima hama dzangu zvekudya, muroora Anonyima hama dzangu zvekudya, muroora Ndoita seiko nhai, nhai vehama? Ndomuteedza here zvaanotaura? Ndoita seiko nhai, nhai vehama? Ndomuteedza here zvaanotaura? Kuroora kwangu amai, kwandiparadzanisa nemi Kuroora kwangu amai, kwandiparadzanisa nemi Kuroora kwangu varume, kwandiparadzanisa nemi Kuroora kwangu varume, kwandiparadzanisa nemi Kuroora kwangu vehama, kwandiparadzanisa nemi Kuroora kwangu vehama, kwandiparadzanisa nemi Ndichitaura kudai Dzimwe nguva hanzvadzi yarara mugoronga, yarohwa nemurume Mudumbu musina chekudya, iye asina chekufuga Asi kuno mutorwa agere mushe, mushe Makumbo ese muhupfu, musoro mushuga Pedza otondishainira, otuka rudzi rwangu Pedza otondishainira, osema rudzi rwangu Anotuka amai vangu, muroora, ambuya Anotuka amai vangu, muroora, ambuya Anoudza vabereki vangu utsvina, muroora Anoudza vabereki vangu utsvina, muroora Anonyima hama dzangu zvekudya, muroora Anonyima hama dzangu zvekudya, muroora Ndoita seiko nhai, nhai vehama? Ndomuteedza here zvaanotaura? Dai pasina mwana wangu Vongai, ndairiradza nenzara rimwe zuva Dai pasina mwana wangu Vongai, ndairiradza nenzara rimwe zuva Dai pasina mwana wangu waainaye, ndairiradza nenzara rimwe zuva Dai pasina mwana wangu waainaye, ndairiradza nenzara rimwe zuva Ndimurove, hanzi ndonetsa Ndimurove, hanzi ndonetsa Ndimutuke hanzi rushusho Ndimutuke hanzi rushusho Ndimurove, hanzi ndonetsa Ndimurove, hanzi ndonetsa Ndimutuke hanzi–
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out