Lyrics

Vana amai mose, mose pano panyika Regai ndikuudzei shoko rimwe chete Zvoupenyu vana amai zvinotonetsa Chokwadi vana amaiwe Vana amai mose, mose pano panyika Regai ndikuudzei shoko rimwe chete Zvoupenyu vana amai zvinotonetsa Chokwadi vana amaiwe Nyangwe murume wako aine muviri muduku Unofanira kunge uchingomuremekedza Baba vemba ndibaba vemusha Chokwadi baba vemusha ngavaremekedzwe Nyangwe murume wako aine muviri muduku Unofanira kunge uchingomuremekedza Baba vemba ndibaba vemusha Chokwadi baba vemusha ngavaremekedzwe Kushora murume vana amai hakuna kunaka Murume wako unofanira kumuremekedza Inga vakuru vedu vakataura Chawawana batisisa midzimu haipe kaviri Kushora murume vana amai hakuna kunaka Murume wako unofanira kumuremekedza Inga vakuru vedu vakataura Chawawana batisisa midzimu haipe kaviri Usamboona ava vasina varume ava Uchiti pamwe kuda Hakusi kuda kwavo uku Inhamowo yokushaya varume vanovaroorawo chokwadi Usamboona ava vasina varume ava Uchiti pamwe kuda Hakusi kuda kwavo uku Inhamowo yokushaya varume vanovaroorawo chokwadi Imi vana amai ndeha iyawo Imi vana amai ndeha iyawo Inzwai chichemo changu ndeha iyawo Upenyu hwava kunetsa ndeha iyawo Varume vave vashoma ndeha iyawo Vakadzi vakawandisa ndeha iyawo Inzwai chichemo changu ndeha iyawo Inzwai chichemo changu ndeha iyawo Murume ngaaremekedzwe (ngaaremekedzwe) Ndati ngaremekedzwe (murume ngaaremekedzwe) Murume ngaaremekedzwe (ngaaremekedzwe) Ndati ngaremekedzwe (murume ngaaremekedzwe) Vakomana ngavaremekedzwe (ngavaremekedzwe) Ndati ngavaremekedzwe (murume ngaaremekedzwe) Vakomana ngavaremekedzwe (ngavaremekedzwe) Ndati ngaaremekedzwe (murume ngaaremekedzwe) Imi vana amai ndeha iyawo Imi vana amai ndeha iyawo Inzwai chichemo changu ndeha iyawo Upenyu hwava kunetsa ndeha iyawo Varume vave vashoma ndeha iyawo Vakadzi vakawandisa ndeha iyawo Inzwai chichemo changu ndeha iyawo Inzwai chichemo changu ndeha iyawo Murume ngaaremekedzwe (ngaaremekedzwe) Ndati ngaremekedzwe (murume ngaaremekedzwe) Murume ngaaremekedzwe (ngaaremekedzwe) Ndati ngaremekedzwe (murume ngaaremekedzwe) Vakomana ngavaremekedzwe (ngavaremekedzwe) Ndati ngaaremekedzwe (murume ngaaremekedzwe) Vakomana ngavaremekedzwe (ngavaremekedzwe) Ndati ngaaremekedzwe (murume ngaaremekedzwe)
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out