Lyrics

Veduwe (chamuringwa) ndofa ndichitambura (chamuringwa) Veduwe (chamuringwa) ndofa ndichitambura (chamuringwa) Kufurirwa (chamuringwa) kunoputsa musha (chamuringwa) Kufurirwa (chamuringwa) kunoputsa musha (chamuringwa) Munyengeri (chamuringwa) anoputsa rudo (chamuringwa) Vana amai (chamuringwa) ngwariraiwoka (chamuringwa) Vana baba (chamuringwa) ngwariraiwoka (chamuringwa) Kufurirwa (chamuringwa) kunoputsa musha (chamuringwa) Vasikana (chamuringwa) ngwariraiwoka (chamuringwa) Vakomana (chamuringwa) ngwariraiwoka (chamuringwa) Kufurirwa (chamuringwa) kunoputsa ramangwana (chamuringwa) Kufurirwa (chamuringwa) kunoputsa ramangwana (chamuringwa) Munyengeri (chamuringwa) anoputsa rudo (chamuringwa) Uyu ndiye munyengeri, ahuwe Akaputsa imba yako iye akagarika Kufurirwa, kufurirwa hamawe, kufurirwa hamawe hakuna shasha Asi mumagumo, imba yakaparara Uyu ndiye munyengeri, ahuwe Akaputsa imba yako iye akagarika Kufurirwa, kufurirwa hamawe, kufurirwa hamawe hakuna shasha Asi mumagumo, imba yakaparara Baba namai rangariraiwoka veduwe Imba inovakwa nemashoko Igoputswazve nemashoko Imi vasikana yeukaiwoka veduwe Rudo runovakwa nemashoko Rugoputswazve nemashoko Imi vakomana yeukaiwoka veduwe Rudo runovakwa nemashoko Rugoputswazve nemashoko Uyu ndiye munyengeri, ahuwe Hande kumafaro, hande kunodyiwa Hande kumafaro, hande kumitambo Hande kumafaro, hande kunonwiwa Ukasadaro murume angamere muswe Asi mumagumo, imba yakaparara Hande kumafaro, hande kunodyiwa Hande kumafaro, hande kumitambo Hande kumafaro, hande kunonwiwa Ukasadaro murume angamere muswe Asi mumagumo, imba yakaparara Uyu ndiye munyengeri, ahuwe Akaputsa imba yako iye akagarika Kufurirwa, kufurirwa hamawe, kufurirwa hamawe hakuna shasha Asi mumagumo, imba yakaparara Baba namai rangariraiwoka veduwe Imba inovakwa nemashoko Igoputswazve nemashoko Imi vakomana yeukaiwoka veduwe Rudo runovakwa nemashoko Rugoputswazve nemashoko Imi vasikana yeukaiwoka veduwe Rudo runovakwa nemashoko Rugoputswazve nemashoko Uyu ndiye munyengeri, ahuwe Hande kumafaro, hande kunodyiwa Hande kumafaro, hande kumitambo Hande kumafaro, hande kunonwiwa Ukasadaro murume angamere muswe Asi mumagumo, imba yakaparara Ndapera muto varume huyai mundisunungure (Mamwe mazano anovaka mamwe anoputsa) Ndapera muto varume huyai mundisunungure (Mamwe mazano anovaka mamwe anoputsa) Tumwe tuzano tunovaka tumwe tuchiputsa inga wani (Mamwe mazano anovaka mamwe anoputsa) Ndapera mongo varume huyai mundisunungure (Mamwe mazano anovaka mamwe anoputsa) Ndapera mongo varume huyai mundisunungure (Mamwe mazano anovaka mamwe anoputsa) Tumwe tuzano tunovaka tumwe tuchiputsa inga wani (Mamwe mazano anovaka mamwe anoputsa) Sarudza zano rinovaka kwete rinoputsa imba iyo (Mamwe mazano anovaka mamwe anoputsa) Sarudza zano rinovaka kwete rinoputsa imba iyo (Mamwe mazano anovaka mamwe anoputsa) Mamwe mashoko anovaka mamwe achiputsa inga wani (Mamwe mazano anovaka mamwe anoputsa) Mamwe mazano anovaka mamwe achiputsa waniko (Mamwe mazano anovaka mamwe anoputsa) Baba namai rangariraiwoka veduwe Imba inovakwa nemashoko Igoputswazve nemashoko Uyu ndiye munyengeri, ahuwe
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out