Lyrics

Ndiri chiiko zvamunondifunga? Ko ndiri aniko zvamandibatsira? Ndokupeiko nezvamunondiitira? Ndotenda, ndotenda baba Kubva kutsi kwemoyo wangu Kwamuri mambo, kwamuri mambo, eeh Makandidzikinurawo pakawanda Makandiyambutsa mumupata wemakuva Musharukwa wamazuva, ndiyo nguva Ohh, ohh Nyamatsatsi yedenga Musharukwa wamazuva, ooh Misha yekare kose Ndotenda, ndotenda baba Ndiri chiiko zvamunondifunga? Ko ndiri aniko zvamandibatsira? Ndokupeiko nezvamunondiitira? Ndotenda, ndotenda baba Ko munhu chiiko, zvamunomufunga? Ko ndiri aniko, zvamandishanyira? Ndokupei zvamandibatsira? Ndotenda, ndotenda baba Ndiri aniko, imi musipo? Hupenyu hwacho hwoda muripo Kutsi kwenguva touya ikoko Imi mugere muhumambo Aah hee, aah hee, aah hee Nyamatsatsi yedenga Musharukwa wamazuva (nyamatsatsi yedenga) Misha yekare kose, ndotenda, ndotenda baba Ko ndiri chiiko zvamunondifunga? Ko ndiri aniko zvamandibatsira? Ndokupei nezvamunondiitira? Ndotenda, ndotenda baba (Munhu chiiko) ko munhu chiiko zvamunomufunga? Ko ndiri aniko, zvamandishanyira? Ndozvirevepi zvamandibatsira? Ndotenda, ndotenda baba Nhai mambo wee Nhai mambo wee, haa Musiki weee, hee, hee
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out