Top Songs By Charles Charamba
Similar Songs
Credits
PERFORMING ARTISTS
Charles Charamba
Lead Vocals
Fishers of Men
Performer
COMPOSITION & LYRICS
Charles Charamba
Songwriter
PRODUCTION & ENGINEERING
Charles Charamba
Producer
Lyrics
Ndati ndikuchemerei baba, Mwari wamasimba
Nenhau yemoyo wangu, wandanga ndinawo
Ndati ndikutumeiwo Mwari wee, baba samasimba
Nditsvagirei moyo wangu, wandanga ndinawo
Ndiregererei Mwari wee ndakakanganisa
Ndakabirwa moyo wangu, wamanga mandipa
Ndiregererei Mwari wee ndakakanganisa
Ndakarasa moyo wangu wamanga mandipa
Ndokumbira moyo wangu (moyo wandanga ndinawo)
Ndokumbira moyo wangu (moyo wandanga ndinawo)
Ndokumbira moyo wangu (moyo wandanga ndinawo)
Ndokumbira moyo wangu (moyo wandanga ndinawo)
Handina kutanga nhasiwo kuvata nenzara
Chindibetsera nemoyo wandanga ndinawo
Handina kutanga zvino kuswera nenzara
Chindibetsera nemoyo wandanga ndinawo
Handina kutanga nhasi kurambwa navanhu
Chindibetsera nemoyo wandanga ndinawo
Handina kutanga nhasi kuvengwa nevanhu
Chindibetsera nemoyo wandanga ndinawo
Ndaiti nyangwe ndikarwara
Ndopfugama ndonamata
Ndaiti nyangwe ndikarwara
Ndopfugama ndonamata
Ndaiti nyangwe ndikavengwa
Ndoregerera ndonyarara
Ndaiti nyangwe ndikazvondwa
Ndoregerera ndonyarara
Ndaiti nyangwe zvikaoma
Ndopfugama ndonamata
Ndaiti zvinhu zvikaoma
Ndopfugama ndonamata
Ndaiti nzara ikaruma
Ndopfugama ndonamata
Ndaiti nyangwe ndikaguta
Ndopa Mwari ndonamata
Ndokumbira moyo wangu (moyo wandanga ndinawo)
Makandipa wakanaka (moyo wandanga ndinawo)
Makandipa wakachena (moyo wandanga ndinawo)
Wange uzere nenyasha (moyo wandanga ndinawo)
Wange uzere nengoni (moyo wandanga ndinawo)
Wakatorwa ndanetseka (moyo wandanga ndinawo)
Ndakabirwa ndashupika (moyo wandanga ndinawo)
Ndati ndikuchemerei baba, Mwari samasimba
Nenhau yeshungu dzangu, dzandanga ndinadzo
Shungu dzandaive nadzo dzakatsakatika
Chido chandaive nacho chakanogodeka
Ndokumbira shungu dzangu (shungu dzandanga ndinadzo)
Ndokumbira zivo yangu (zivo yandanga ndinayo)
Ndokumbira moyo wangu (moyo wandanga ndinawo)
Ndakasikwa ndakakwana (moyo wandanga ndinawo)
Pane akatora moyo wangu (moyo wandanga ndinawo)
Wakatorwa ndakafara (moyo wandanga ndinawo)
Wakatorwa ndakafara (moyo wandanga ndinawo)
Wakatorwa ndanetseka (moyo wandanga ndinawo)
Wakatorwa ndanetseka (moyo wandanga ndinawo)
Ndakabirwa ndashupika (moyo wandanga ndinawo)
Ndakabirwa ndashupika (moyo wandanga ndinawo)
Ndokumbira moyo wangu (moyo wandanga ndinawo)
Ndokumbira moyo wangu (moyo wandanga ndinawo)
Lyrics powered by www.musixmatch.com