Lyrics

Ndati ndikuchemerei baba, Mwari wamasimba Nenhau yemoyo wangu, wandanga ndinawo Ndati ndikutumeiwo Mwari wee, baba samasimba Nditsvagirei moyo wangu, wandanga ndinawo Ndiregererei Mwari wee ndakakanganisa Ndakabirwa moyo wangu, wamanga mandipa Ndiregererei Mwari wee ndakakanganisa Ndakarasa moyo wangu wamanga mandipa Ndokumbira moyo wangu (moyo wandanga ndinawo) Ndokumbira moyo wangu (moyo wandanga ndinawo) Ndokumbira moyo wangu (moyo wandanga ndinawo) Ndokumbira moyo wangu (moyo wandanga ndinawo) Handina kutanga nhasiwo kuvata nenzara Chindibetsera nemoyo wandanga ndinawo Handina kutanga zvino kuswera nenzara Chindibetsera nemoyo wandanga ndinawo Handina kutanga nhasi kurambwa navanhu Chindibetsera nemoyo wandanga ndinawo Handina kutanga nhasi kuvengwa nevanhu Chindibetsera nemoyo wandanga ndinawo Ndaiti nyangwe ndikarwara Ndopfugama ndonamata Ndaiti nyangwe ndikarwara Ndopfugama ndonamata Ndaiti nyangwe ndikavengwa Ndoregerera ndonyarara Ndaiti nyangwe ndikazvondwa Ndoregerera ndonyarara Ndaiti nyangwe zvikaoma Ndopfugama ndonamata Ndaiti zvinhu zvikaoma Ndopfugama ndonamata Ndaiti nzara ikaruma Ndopfugama ndonamata Ndaiti nyangwe ndikaguta Ndopa Mwari ndonamata Ndokumbira moyo wangu (moyo wandanga ndinawo) Makandipa wakanaka (moyo wandanga ndinawo) Makandipa wakachena (moyo wandanga ndinawo) Wange uzere nenyasha (moyo wandanga ndinawo) Wange uzere nengoni (moyo wandanga ndinawo) Wakatorwa ndanetseka (moyo wandanga ndinawo) Ndakabirwa ndashupika (moyo wandanga ndinawo) Ndati ndikuchemerei baba, Mwari samasimba Nenhau yeshungu dzangu, dzandanga ndinadzo Shungu dzandaive nadzo dzakatsakatika Chido chandaive nacho chakanogodeka Ndokumbira shungu dzangu (shungu dzandanga ndinadzo) Ndokumbira zivo yangu (zivo yandanga ndinayo) Ndokumbira moyo wangu (moyo wandanga ndinawo) Ndakasikwa ndakakwana (moyo wandanga ndinawo) Pane akatora moyo wangu (moyo wandanga ndinawo) Wakatorwa ndakafara (moyo wandanga ndinawo) Wakatorwa ndakafara (moyo wandanga ndinawo) Wakatorwa ndanetseka (moyo wandanga ndinawo) Wakatorwa ndanetseka (moyo wandanga ndinawo) Ndakabirwa ndashupika (moyo wandanga ndinawo) Ndakabirwa ndashupika (moyo wandanga ndinawo) Ndokumbira moyo wangu (moyo wandanga ndinawo) Ndokumbira moyo wangu (moyo wandanga ndinawo)
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out