Lyrics

Komborerai vana vangu (baba komborerai) Tungamirai vana vangu (baba tungamirai) Baba muvaropafadzewo vana vangu Havagoni kufamba vega musipo baba Baba muvaropafadzewo vana vangu Havagoni kufamba vega musipo baba Apo vanopinda nepavanobuda (muvarangarire) Mukarega kufamba navo vana vangu (havana wekufamba naye) Handidi kuti vapone nezvipo zveumbavha (handidi baba) Handidi kuti vapone zvipo zveufeve (handimbodi baba) Handidi kuti vagamuchire zvipo zvekuroya (handidi baba) Handidi kuti vasimukire nekutsika vamwe (handimbodi baba) Ririko denda rashura mare Mwari munyika Risandibatirawozve vana vangu baba Chiriko chirwere chauraisa vana vevanhu Chisanditorerawozve vana vangu baba Baba muvaropafadzewo vana vangu Havagoni kufamba vega musipo baba Baba makakomborera vanhu vakawanda Shoko renyu rinoti vana vaIsaka makavatendera kufamba vachiziva nguva Naiyemizve She Jesu makafamba nekuteerera baba namai Mukayemurwa navanhu mukayemurwa naMwari Vana vangu vakomborerei Jehovah Ndakumbira baba Komborerai vana vangu (baba komborerai) Tungamirai vana vangu (baba tungamirai) Baba muvaropafadzewo vana vangu Havagoni kufamba vega musipo baba Apo vanopinda nepavanobuda (muvarangarire) Mukarega kufamba navo vana vangu (havana wekufamba naye) Handidi kuti vapone nezvipo zveumbavha (handidi baba) Handidi kuti vatambire zvipo zveufeve (handimbodi baba) Handidi kuti vagamuchire zvipo zvehuroyi (handidi baba) Handidi kuti vasimukire nekutsika vamwe (handimbodi baba) Ririko denda rashura mare Mwari munyika Risandibatirawozve vana vangu baba Chiriko chirwere chauraisa vana vevanhu Chisanditorerawozve vana vangu baba Baba muvaropafadzewo vana vangu Havagoni kufamba vega musipo baba Vanokwazisa vakasangana navakuru ndivo vandinoda (Vana vane tsika vane ruremekedzo) Vanopfugama vachikwazisawo vakuru baba ndivo vandinoda (Vana vane tsika vane ruremekedzo) Vanoteerera vakatsiurwa navakuru baba ndivo vandinoda (Vana vane tsika vane ruremekedzo) Panoverengwa vana vakarurama naivo vagowanikwavo (Vana vane tsika vane ruremekedzo) Panonongedzwa vana vakatendeka naivo vagoverengwawo (Vana vane tsika vane ruremekedzo) Vanoshingaira kusevenza nesimba ndivo vandinoda (Kwete vanokohwa vasina kurima) Vanodikitira kudikita nesimba vanodya cheziya (Kwete vanokohwa vasina kurima) Vanogutsikana nezvinhu zvavanazvo vasingakweretese meso (Kwete vanokohwa vasina kurima) Vanogutsikana nezvinhu zvavanazvo vasingarase rase meso (Kwete vanokohwa vasina kurima) Vanogutsikana nezvinhu zvavanazvo vasingarase rase meso (Kwete vanokohwa vasina kurima) Komborerai vana vangu Havagoni kufamba vega musipo baba Baba muvakomborerewo vana vangu Havagoni kufamba vega musipo baba
Lyrics powered by www.musixmatch.com
Get up to 2 months free of Apple Music
instagramSharePathic_arrow_out