Lyrics

Haa-haa hoye (Oskid Production) Iwe pawakanditarira ipapo ndopawakandiparira Ndikati ndafarira kana mukati ndakuvarira Haiwa nyatsakunditarira mai mwana neniwo ndorira Ukazongondifungira mai mwana ungazonditsamwira Ndakambotenderera vakati hazvinzwarwo Chirwere chemoyo ndiwe wapodza Handidi tirambane hazvigone (tingazovapa zvekutaura) Handidi tirambane hazvigone (tingazovapa zvekutaura) Inini moyo wangu mai mwana handidi utsamwe ndinoda ufare Inini moyo wangu mai mwana handidi utsamwe ndinoda ufare Wakati ndiwe uchava muroora waamai vangu Ukati hauchazofa wandisiyazve Handibvume kusiyana newe une rudo Ndicharamba ndichishaura kusvika wandinzwa Zano ndiro ramakanga mandirongera Mukati handichazofa ndabuda mugota Dzinde rerudo iri idzinde rerudo Ndikaridiridzira muchaona ndokohwa Handidi tirambane hazvigone (tingazovapa zvekutaura) Handidi tirambane hazvigone (tingazovapa zvekutaura) Inini moyo wangu mai mwana handidi utsamwe ndinoda ufare Inini moyo wangu mai mwana handidi utsamwe ndinoda ufare Iwe pawakanditarira ipapo ndopawakandiparira Ndikati ndafarira kana mukati ndakuvarira Haiwa nyatsakunditarira mai mwana neniwo ndorira Ukazongondifungira mai mwana ungazonditsamwira Ndakambotenderera vakati hazvinzwarwo Chirwere chemoyo ndiwe wapodza Handidi tirambane hazvigone (tingazovapa zvekutaura) Handidi tirambane hazvigone (tingazovapa zvekutaura) Inini moyo wangu mai mwana handidi utsamwe ndinoda ufare Inini moyo wangu mai mwana handidi utsamwe ndinoda ufare
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out