Lyrics

Ndakumbira ruregerero zvikuru kwazvo Ndakumbira ruregerero dzinza rekwangu Ndakumbira ruregerero zvikuru kwazvo Ndakumbira ruregerero dzinza rekwangu Imi makafa ini ndisati ndaberekwa Makafa nezvenyu zvakakuurayai Imi makafa ini ndisati ndaberekwa Makafa nezvenyu zvakakuurayai Ini ndichafa nezvangu kana nguva yakwana Hatidi kutambudzana imi vedzinza rekwangu Ini ndichafa nezvangu kana nguva yakwana Hatidi kutambudzana imi vedzinza rekwangu Ukafa une shungu ngwarira kumuka Chipoko, ngozi, shavi nechidzangaradzimu Ukafa une shungu ngwarira kumuka Chipoko, ngozi, shavi nechidzangaradzimu Ukafa une kubatabata ngwarira kumuka Nyoka inoruma kutambudza vapenyu Ukafa une kubatabata ngwarira kumuka Nyoka inoruma kutambudza vapenyu Shungu dzako ndedzeiko muka uite mupenyu Kwete kumuka chipoko apo ndaramba Shungu dzako ndedzeiko muka uite mupenyu Kwete kumuka chipoko apo ndaramba Seiko vedzinza muchidaro vana? Seiko vedzinza muchidaro vana? Seiko vedzinza muchidaro isu? Ukafa neshungu ngwarira kumuka Chipoko, ngozi, shavi nechidzangaradzimu Ukafa neshungu ngwarira kumuka Chipoko, ngozi, shavi nechidzangaradzimu Ukafa nekubatabata ngwarira kumuka Nyoka inoruma kutambudza vapenyu Ahuweiweiwe ahuweiweiwe Ahuweiweiwe ahuweiweiwe
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out