Lyrics

Gogogoi pamusha pano, ini ndigashireiwo Mwana wenyu ndadzoka kubva kwandaiva ndiri kure Gogogoi pamusha pano, ini ndigashireiwo Mwana wenyu ndadzoka kubva kwandaiva ndiri kure Ndaizviziva kuti hazvikufadzei imi Zvizhinji kwazvo izvo zvainditadzisa Ndaizviziva kuti hazvikufadzei imi Zvizhinji kwazvo izvo zvainditadzisa Basa rangu riye, tarirai zvandava nhasi Mudzimai, vana ava pamwe nekuraramazve Basa rangu riye, tarirai zvandava nhasi Mudzimai, vana ava pamwe nekuraramazve Maishora zvandaivaka, ndisati ndakura Hezvo chero nemi vedzinza motozvifarirawo Maishora zvandaivaka, ndisati ndakura Hezvo chero nemi vedzinza motozvifarirawo Imo mukuzvarwa zvinonzi unenge wakapfumbata Zvipo zvekushanda, mabasa ekuzvibatsirawo Imo mukuzvarwa zvinonzi unenge wakapfumbata Zvipo zvekushanda, mabasa ekuzvibatsirawo Changu chipo chakava chekufadza vamwe vabva kumabasa Vakazorora nevamwe vanozvifarirawo Changu chipo chakava chekufadza vamwe vabva kumabasa Vakazorora nevamwe vanozvifarirawo
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out