Lyrics

Ndirangarirei, Mambo, zuva raenda (ndire, ndire) Ndirege kukoromoka Ndirangarirei, Mambo, zuva raenda (ndire, ndire) Ndirege kukoromoka Tiise maoko (haiwa, Mambo) Ndikumbire, Mambo (tungamira wedu) Tiise maoko (haiwa, Mambo) Mutidzingirewo nhamo (tungamira wedu) Tiise maoko, (haiwa, Mambo) Ndikumbire, Mambo (tungamira wedu) Tiise maoko, (haiwa, Mambo) Mutidzingirewo nhamo (tungamira wedu) Hameno chandarota, chakapfeka dehwe rembada Ndamuka ndichinge ndonda Kumeso kune maronda Amai, ndatadza kuronga, ko ndiani ko akaronga? Chine meso anenge bonga Amai chandisveta ropa Ndire, ndirere, muporofita Ndire, ndirere, muporofita Hameno, chode kundiite kanyama-kanyama Hameno chode kundiite kanyama-kanyama Hameno chode kundiite kannyama-kanyama Hameno chode kundiite kanyama-kanyama Haiwa tiise maoko (haiwa, Mambo) Tikumbire, Mambo (tungamira wedu) Tiise maoko (haiwa, Mambo) Mutidzingirewo nhamo (tungamira wedu) Tiise maoko (haiwa, Mambo) Tikumbire, Mambo (tungamira wedu) Tiise maoko (haiwa, Mambo) Mutidzingirewo nhamo (tungamira wedu) Munondirera, Mambo, nyika inorema Ndiringire pandinotsika mudzimu unoera Ndirege kuchema-chema nezvinorema Ndirege kupiswa, Mambo, kana ndaenda Ndirangarirei, Mambo, zuva raenda (ndire, ndire) Ndirege kukoromoka Ndirangarirei, Mambo, zuva raenda (ndire, ndire) Ndirege kukoromoka Tiise maoko (haiwa, Mambo) Tikumbire, Mambo (tungamira wedu) Tiise maoko (haiwa, Mambo) Mutidzingirewo nhamo (tungamira wedu) Tiise maoko (haiwa, Mambo) Tikumbire, Mambo (tungamira wedu) Tiise maoko (haiwa, Mambo) Mutidzingirewo nhamo (tungamira wedu) Ndibereke, tsoka, kana zuva radoka Nditarisire pandinotsika, ndingatsika nyoka Dziva rinoeredza mugondiyambutsa Ndibereke, tsoka, kana zuva radoka Ndigotarika mutanda (Ishe) Ndigosvetuka musungo (Ishe) Ndigotarika mutanda (Ishe) Ndigosvetuka musungo (Ishe) Ndigotarika mutanda (Ishe) Ndigosvetuka musungo (Ishe) Ndigotarika mutanda (Ishe) Ndigosvetuka musungo (Ishe) Haiwa mambo (haiwa, Mambo) Tikumbire, Mambo (tungamira wedu) Tiise maoko (haiwa, Mambo) Mutidzingirewo nhamo (tungamira wedu) Tiise maoko (haiwa, Mambo) Tikumbire, Mambo (tungamira wedu) Tiise maoko (haiwa, Mambo) Mutidzingirewo nhamo (tungamira wedu) Haiwa tiise maoko, (haiwa, Mambo) Tikumbire, Mambo (tungamira wedu) Mvura ngainaye, Mambo, (haiwa, Mambo) Mvura ngainaye (tungamira wedu) Tiise maoko, (haiwa, Mambo) Tikumbire, Mambo (tungamira wedu) Mvura ngainaye, Mambo Haiwa, Mambo, mvura ngainaye (tungamira wedu) Tiise maoko (haiwa mambo) Tikumbire Mambo (tungamira wedu) Tiise maoko (haiwa Mambo) Haiwa Mambo (haiwa Mambo) Haiwa Mambo (tungamira wedu) Haiwa Mambo (haiwa Mambo) Haiwa Mambo (tungamira wedu) Mvura ngainaye (haiwa Mambo) Tikumbire Mambo (tungamira wedu) Mvura ngainaye (haiwa Mambo)
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out