Lyrics

Chero wakakurira kumusha Uchinzi bhutsu hauna, hembe dzakabvaruka Pamwe akarerwa mukushupika Mukubatanidza chero-chero chinobatika, ah Hona aenda kumunda zvake Badza pamwe ndiro richamupa zvinogutsa Manje inguva chete, nguva chete Kani mira uone uyu pane zvaachaitawo, mmm Kwaachaendawo Mwari wake anomudawo Kwazviri achazviwana, mmm Pamwe nhasi haana kudya Chero kaiko hakuna, kadiki-diki hakuna Vamwe vakakomborerwa chaizvo Vanofamba vachidya piece, imwe piece vachirasa Hazvina mhosva, siyai zvakadaro Nguva yemumhu inosiyana zvakadaro Muchamuona akusiyaiwo makadaro Mira uone uyu (uyu) pane zvaachaitawo, mmm Kwaachaendawo, mmm Mwari wake anomudawo Pazviri achazviwana, yeah Anochiwana chinomufadza mumoyo make Eeeyi haizi mari chete Anopihwa zvinomufadza mumoyo make Ooh, pamwe ndiMwari chete, rudo chete Kugutsikana nehupenyu chete Kana wamuwana waunoda chete Kana watupihwa twako twuvana chete Kupihwa kwese moyo wanaka (wanaka) Kupihwa chero vachikuona uchifamba Kupihwa kana unaro simba rekushanda Haisi mari chete inopa zvinofamba Ndi Mwari wako, rudo chete (chete) Chero pane munhu anongokuda chete (chete) Chero wawana paunogara chete (chete) Chero warega zvekubata-bata chete Famba tione (tione) Nekuti nzira ndeyako (ndeyako) Zvemumwe siya ndezvake (ndezvake) mmm Mira uone uyu (uyu) pane zvaachaitawo (zvaachaitawo) Kwaachaendawo (kwaachaendawo) Mwari wake anomudawo (anomudawo) Kwazviri achazviwana Kupihwa kwese moyo wanaka (wanaka) Kupihwa chero vachikuona uchifamba (uchifamba) Kupihwa kana unaro simba rekushanda Haisi mari chete (chete) inopa zvinofamba NdiMwari chete (chete) rudo chete Kana panemunhu anongokuda chete (chete) Chero wawana paunogara chete (chete) Kana warega zvekubata-bata chete Famba tione (tione) Nekuti nzira ndeyako (ndeyako) Zvemumwe siya ndezvake Famba tione, tione
Lyrics powered by www.musixmatch.com
Get up to 2 months free of Apple Music
instagramSharePathic_arrow_out