Lyrics

Vanondichengeta vari kumatengawo Ndine zvinondinetsa mumoyo mangu Vanondichengeta vari kumatengawo Donzwaiwo kuchema kwangu Ini ndakamirira ruzhinji panyika Ruri kuchema nzara vashoma vachiguta Chave chitsidzo here midzimu inoyera Kuti pasi rino isu tiri venhamo? Ini ndaiti zvichapera kana ndakurawo Ndisingazive zvichatonyanya Nhamo ndaiti ichapera kana ndakurawo Ndisingazive ichatonyanya Vamwe vanondiudza kupfuma ishungu Ko inga shungu ndinadzo waniko Vamwe vanoti nhamo haina mugoni Ko vana vevamwe vanoigona seiko? Baba vakandibvunza kuti unochemeyi? Nhamo haityiwe nyarara iwe kuchema Usaona vanozvida ukati vagere Nhamo hadzizivane pakare ipapo iwe Usamboona vanozvida ukati vagere Mumwe nemumwe ane twake tunomunetsawo Ndinongogarochema sendakazvarirwe nhamo Nhai vematenga ndizorodzeiwo Inga makati nhamo igandidzanwa wani Mukati chisingaperi chinoshura Imi makati rugare tange nhamo wani Mukati sango rinopa waneta Inga kwandiri zvashaya basa nei? Nhai vematenga muripiko? Zvanyanyawoka izvi Zhakata zvakare Mupfanha muhombe Kamu oversize kani Ndakaivamba kare hondo neurombo Ndikati akanga nyimo avengarara Ndokuivamba ndini hondo neurombo Ndikati akanga nyimo avengarara Ko chitungamirai imi vemasimba Zvandinoshuwa inga wani munozviziva Ko chitungamirai imi vemasimba Zvinondishungurudza chokwadi munozviziva Kugaroshandira kufidha homwe dzevakapfuma Kugaroshandira kufidha homwe dzevakapfuma Ndichitadza kuvakisawo musha wangu une chimiro Kutadza kuvakisawo musha wangu une chimiro Kutadza kutengerawo mhuri yangu zvainoda Kutadza kutengerawo mhuri yangu zvainoda Kutadza kutengerawo mudiwa wangu zvaanoda Kutadza kutengerawo mudiwa wangu zvaanoda Ndomupeiwo wangu agare achifara Ndomupeiwo wangu agare achifara Mupeka zvaanoda Usamunyime zvaanoda Mupeka zvaanoda Usamunyime zvaanoda Mupewo zvinomugutsa Usamupe svosva moyo Mupewo zvinomugutsa Usamupe svosva moyo Moyo unoda asi homwe inoramba Moyo unoda asi homwe inoramba Moyo unoda asi homwe inoramba Moyo unoda asi homwe inoramba vakomana ndodii? Mazano marairanwa varume Mazano marairanwa varume kani Mazano marairanwa varume Mazano marairanwa varume imi Regai ndikuudzei Regai ndikutaurirei Regai ndikuudzei Regai ndikutaurirei Gona kusvipa mashoko anotapira Wogorodza pfungwa dzako semutsunde iwe Gona kusvipa mashoko anotapira Wogorodza pfungwa dzako semutsunde iwe Ukaironga bho tsoro unobuda bhobho Ukaironga mushe tsoro unobata pakuru Ukaironga bho tsoro unobuda bhobho Ukaironga mushe tsoro unobata pakuru Mazano marairanwa varume Mazano marairanwa varume kani Mazano marairanwa varume Mazano marairanwa varume imi Zvinhu zvinoda kushinga Zvese zvinoda kushinga Zvese zvinoda kushinga Zvese zvinoda kushinga Hapana akauya panyika akasenga humambo Hapana akauya panyika akasenga huboss Hapana akauya panyika akasenga humambo Hapana akauya panyika akasenga huboss Zvinhu zvinoda kushinga Zvese zvinoda kushinga Zvese zvinoda kushinga Zvese zvinoda kushinga Yeye Simudza musoro tinzwe
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out