Lyrics

Layaan Ndipe pen nepaper Ndinyore letter MaNinja Kune vakatisiya kuma90s Ma80s, ma70s Ndivatipe pasi pano paane machanges Tsamba yangu kuVashakabvu Mairi maparagraph Makatisiya asi tichiine love Muchiri yangu mbabvu Vaiteacher, vairapa, vaitamba nhabvu Nevese vari mumavhu Zvinhu zvachinja rough Ndombozivisa vasina kupinda muma90s VemuZimbabwe chete, kwete vemamwe macountries Phone dzogara muhomwe dzichi-user mabatteries MaChina avemo muno, ovhura mafactories Ndomboudza vaimbi vaitsikisa mimhanzi Zvandinoziva handivaudze ndichiti; 'Hanzi' Makasiya Leonard Dembo achirocker dhanzi Zvino yangova MaNinja ayenda nechibhanzi Nziyo dziya dzamakasiya dziri parecord Takudzitora zvino toisa muiPod Dzopihwa mahara nekuda kwetechnology Mhuri dzenyu hadziwane kana chibodzi Makasiya Mukanya ari pamberi paTuku Zvino zvachinja, Zimbabwe yese yongoti; 'Tuku' Aiwa zvaita VaMtukudzi zvikukutu Ah di master Tsamba yangu kuVashakabvu Mairi maparagraph Makatisiya asi tichiine love Muchiri yangu mbabvu Vaiteacher, vairapa, vaitamba nhabvu Nevese vari mumavhu Zvinhu zvachinja rough Ndombotsanangura magariro edu netsika Ndinoona vanhu vazhinji zvino varasika Tinenge takuteera, yavakunoguma nyika Zvoitika hazvichafadza Uyo akatisika Pfekero yoita vasikana, moshamisika Munozviramba ndoyamakasiya iri mimba Dzatova mhandara dzakumboita zvepanyika Kuti utsiure voti; "Hauzive zviri kuitika" Mari yoshandiswa muno ndeyekuAmerica Zim Dollar hakuna kana achamboriyeuka Hakuchina Callbox kwane maCellular MaComputer dzimba dzese takungoGoogler MaBoysky amakavaka aya takapunza Zvakanzi haasi pamutemo asi hamuna kutiudza Paane Unity Government ndovimba makaudzwa Mapato enyika obatana, nyika tosimudza Mukaona Mbuya Nehanda mobva mavaudza Pangu ndasakura ndazunza Kune vakatisiya kuma90s Ma80s, ma70s Ndivatipe pasi pano paane machanges Tsamba yangu kuVashakabvu Mairi maparagraph Makatisiya asi tichiine love Muchiri yangu mbabvu Vaiteacher, vairapa, vaitamba nhabvu Nevese vari mumavhu Zvinhu zvachinja rough Yow, Bhudza Vaiti maBorn Free tonetsa ka? Havana kukwanisa kuona maBorn Facebook ariko mazuvano Ikunabi aya Ah di master
Writer(s): Wallace Chirumiko Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out