Lyrics

Ndiri munana Ho baba ndiri munana Vanondida vose ngavazive kuti ndiri munana Ndiri munana Ho baba ndiri munana Vanonzwa nezvangu ngavazive kuti ndiri munana Handizive ndichavapeiko Vandinochengeta, handizive ndichavapeiko Nguva yekudya, ndichabatidza moto Chokudya chichavepo Choto mumba mangu choziva kuti ndiri munana Handizive ndichavapeiko Vandinotarira, handizive ndichavapeiko Nguva yekudya, ndichabatidza moto Chokudya chichavepo Choto mumba mangu choziva kuti ndiri munana Ndiri munana Ho baba ndiri munana Nhamo dzenyika dzose ngadzizive kuti ndiri munana Ndakapotsa ndaparara, Ishe vakachengeta Ndakapotsa ndakuvara, zvakaipisisa Nhasi uno ndopupura Ishe vakachengetawo Nezuro wanguwo ngaazive ndiri munana Ndakapotsa ndaparara, Ishe vakachengeta Ndakapotsa ndakuvara, zvakaipisisa Nhasi uno ndopupura Ishe vakachengetawo Nezuro wanguwo ngaazive ndiri munana Ndiri munana Ho baba ndiri munana Zvirwere zvese zvese ngazvizive kuti ndiri munana Ndingashaye zvandinoda, hongu kwechinguva chino Ndingataridzika sendakundikana Rugare ndicharuwana, zuva richingobuda Remangwana rangu ngarizive kuti ndiri munana Ndingashaye zvandinoda, hongu kwechinguva chino Ndingataridzika sendakundikana Rufaro ndicharuwana, zuva richingobuda Remangwana rangu ngarizive kuti ndiri munana Ndiri munana Ho baba ndiri munana Mhepo dzenyika dzose ngadzizive kuti ndiri munana Ndiri munana Ho baba ndiri munana Vanonzwa nezvangu ngavazive kuti ndiri munana Ndinoverengwa panyika Panyika pane zvitadzo Neni ndiri mutadzi ndinokundikanawo Handikanganwe kuti ndiri munana Zvivi zvenyamawo ngazvizive kuti ndiri munana Ndinoverengwa panyika Panyika pane zvitadzo Neni ndiri mutadzi ndinokundikanawo Handikanganwe kuti ndiri munana Zvivi zvenyamawo ngazvizive kuti ndiri munana Ndiri munana Ho baba ndiri munana Zvivi zvenyamawo ngazvizive kuti ndiri munana Ndakadyiswa zviro zvakawanda kuvavarira kuti ndife Kutorerwa zvandaiva nazvo kuti ndigova murombo Kupomerwa mhaka dzisi dzangu kuti ndishaye chiremera Pasi rose richaziva rose kuti ndiri munana Ndakanzi ndafawo kakawanda Hezvo ndingori pano Ndikanzi ndaenda kusingadzokwi Hezvo ndingori pano Ndikataurwa zita kakawanda Ko hezvo ndingori pano Vanhu vose vachaziva kuti ini ndiri munana Ndiri munana Ho baba ndiri munana Vanondivenga ngavazive kuti ndiri munana Ndiri munana Ho baba ndiri munana Vanondifarira ngavazive kuti ndiri munana Ndiri munana Ho baba ndiri munana Mhepo dzenyika ino ngadzizive kuti ndiri munana
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out