Lyrics

Aiwa kuumburudzana kana kukungurutsana yangova kikiri kikiri Inga vanokokorodzana kana kuunganidzana kutamba ngoma yemandiriri Pandinoirova pandinoiridza ngoma vanobuda masiriri Pandinoirova pandinoiridza ngoma vanobuda masiriri Yenyu yekuperekedzana muchinotenga mudzanga ndokutamba kwezvigwindiri Simudzai ngoma yamandiriri Yemandiriri Simudzai ngoma yamandiriri Yemandiriri Aiwa ndiwe ndiwe ndiwe unondiziva Kundida kusandida ndiwe unondiziva Aiwa ndiwe here ndiwe ndiwe unondiziva Kusvotwa uchirutsa ndiwe unondiziva Mubatiro wedu tobata sendimba Tikabata taruma tasunga Chisungo chedu kuti nganganga Tikatanga tinopedza usati watanga Chipo hachina kuuya nen'anga Chipo chakangouya chakangondinanga Pamwe pacho dzinongova nyasha Pamwe pacho hausi ushasha Pamwe pacho dzinongova nyasha Pamwe pacho hausi ushasha Aizve ngachimbumuke machinda Semakomo eNyanga Ah ngazvisimuke machinda Semakomo eNyanga Aiwa ndiwe ndiwe ndiwe unondiziva Kundida kusandida ndiwe unondiziva Ndiwe here ndiwe ndiwe unondiziva Kusvotwa uchirutsa ndiwe unondiziva Aiwa rega kukanganwa Simudza kastayera Hapachada kundandama Simudza kastayera Zamba daidza hama Simudza kastayera Sarura wako mugodananawoka Simudza kastayera Aiwa rega kukanganwa Simudza kastayera Hapachada kundandama Simudza kastayera Zamba daidza hama Simudza kastayera Sarura wako mugodananawoka Simudza kastayera Aiwa ndiwe ndiwe ndiwe unondiziva Kundida kusandida ndiwe unondiziva Ndiwe here ndiwe ndiwe unondiziva Kusvotwa uchirutsa ndiwe unondiziva Ayi! Fiyo muzukuru Silent killer paJoza Chiripo chinoti pinda muguva Yeeye unganatsa kubata Ngwarira nyoka munzira Yeeye unganatsobata Vanokuvengera kutamba nemvura Yeeye unganatsobata Kusvikira pakuguma kwenguva Yeeye unganatsobata Chiripo chinoti pinda muguva Yeeye unganatsa kubata Ngwarira nyoka munzira Yeeye unganatsobata Vanokuvengera kutamba nemvura Yeeye unganatsobata Kusvikira pakuguma kwenguva Yeeye unganatsobata Aiwa ndiwe ndiwe ndiwe unondiziva Kundida kusandida (Ndezvako) Aiwa ndiwe here ndiwe ndiwe unondiziva Kusvotwa uchirutsa (Ndezvako) ndiwe unondiziva Aiwa ndiwe ndiwe ndiwe unondiziva Kundida kusandida (Ndezvako) Aiwa ndiwe here ndiwe ndiwe unondiziva Kusvotwa uchirutsa (Ndezvako) ndiwe unondiziva Iwe musoja iwe
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out