Lyrics

Rodney clean shizo (Millitary Touch) Dai nguva yaidzoka shure Ndaimbokumbira ndaimbodawo mukana mumwe Dai hope dzandorota ndirere Dai ndaidudzira pamwe nhasi ndinewe Ndakanzwa kuti wakachata naGoliath (ah-ah) Washinga here wapeka mamonaki? (Ndizvo here?) Ndakanzwa kuti wakaenda naGoliath (ah-ah) Koo ndizvo here zviri mumoyo zviri mukati Taiti rure rure, tose kumahumbwe Taienda tose kunochera makurwe Taiti rure rure, tose kumahumbwe Taienda tose kunochera makurwe Mai Maria musande zvakatangira muzunde rashe Tikasangana kutsime eh-eh, ndaiti simuka titambe Haiwa putsa chirongo tiumbe chimwe Chimwe tichadira doro renhimbe Mudyari wenzimbe ndiye mwene wenzimbe Usarambe wakati ndee, usandirindire Mwedzi wati jee, nhonga kanyama tidye Wozotanga waverenga tsamba yandanyora Tsamba yandanyora, ndiyo tsamba yandanyora Taiti rure rure, taifamba tose kumahumbwe Taienda tose eh-eh, kunochera makurwe Taiti rure rure taifamba tose kumahumbwe Taienda tose eh-eh, kunochera makurwe Mudiwa ndakusuwa, ndinongonzwa nemakuhwa kuti uriko moyo wangu unorwadza Kudai ndakuona, ronda riya ringadai rapora Moyo wangu wazoorora, chokwadi moyo wangu unorwadza Dai nguva yaidzoka shure eh-eh Ndaingokumbira, ndaimbodawo mukana mumwe Dai hope dzandorota ndirere Dai ndaidudzira pamwe nhasi ndinewe Chibhanan'ana chato simudza chibhebhen'ene Chikatapira chikofamba n'a changamire Darlie wangu ndirangarire padokodoko Makarekare ataitamba chamupidigori eh Taishuvira kuenda mberi eh Zvakakona kana godobori eh Zvose zvakaitaita mhidigari eh Asi ndiani aizoziva zvataizove? Ndiani aizoziva uchazondisiya? Ndianiko aifungira zvingadaro zvikaguma? Zvakadaro ndinoshuwa uwane rugare Rure rure, taifamba tose kumahumbwe Taienda tose eh-eh, kunochera makurwe Taiti rure rure, taifamba tose kumahumbwe Taienda tose eh-eh, kunochera makurwe Taiti rure, rure, rure, taifamba tose kumahumbwe Taienda tose eh-eh kunochera makurwe Taiti rure, rure, rure, taifamba tose kumahumbwe Taienda tose kwese, kunochera makurwe Ndakanzwa kuti wakachata naGoliath, ah-ah Washinga here wapeka mamonaki? (Ndizvo here?) Ndakanzwa kuti wakaenda naGoliath, ah-ah Koo ndizvo here, zviri mumoyo, zviri mukati? Senator Vibes and might everywhere
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out