Lyrics

Pamusoroi vakuru woye Ndauya ndine nyaya yandiinayo Asi dzimwe nguva ndongochema Ndashaya kana badza rekurima Zvikanzi mhaka munoiziva Ende zvinodiwa munozviziva Endai munoti ndiri kuuya Endai munoungana mugare pasi Chembere dzekwedu ndidzo dzinoziva Kubika doro nechivanhu chacho Zvikanzi vakafa vanoona Nekuti kune zvinhu zvinoyera Vakanditi rovai makuva vanangu muyambuke vanangu we Dzosai mudzimu mumusha menyu ikutarireiwo vanangu we Dirai doro pasi murarame vanangu we Yeukai kumashure kwamakabvawo vanangu we Vakati itouyai nevakuru venyu Ndivo vanochiziva chivanhu chenyu Enda unovatsvaga vachiri vapenyu Ndivo vanotungamira munzira dzenyu Ndakavati nditumei shoko ndosvitsa Ende mudzimu yako inokutarisa Zvese zvamandituma inini ndoita Kuti vanditungamire kwandinoenda Asi inini vakanditi panodiwa mombe Ende vana sekuru vanoda mukombe Iyi uriwega haungaigone Endai munoungana mutione Vakanditi rovai makuva vanangu muyambuke vanangu we Dzosai mudzimu mumusha ikutarireiwo vanangu we Dirai doro pasi murarame vanangu we Yeukai kumashure kwamakabvawo vanangu we Pamusoroi vakuru woye Ndauya ndine nyaya yandiinayo Asi dzimwe nguva ndongochema Ndashaya kana badza rekurima Zvikanzi mhaka munoiziva Ende zvinodiwa munozviziva Endai munoti ndiri kuuya Endai munoungana mugare pasi Chembere dzekwedu ndidzo dzinoziva Kubika doro nechivanhu chacho Zvikanzi vakafa vanoona Nekuti kune zvinhu zvinoyera Vakanditi rovai makuva vanangu muyambuke vanangu we Dzosai mudzimu mumusha menyu ikutarireiwo vanangu we Dirai doro pasi murarame vanangu we Yeukai kumashure kwamakabvawo vanangu we Vakati itouyai nevakuru venyu Ndivo vanochiziva chivanhu chenyu Enda unovatsvaga vachiri vapenyu Ndivo vanotungamira munzira dzenyu Ndakavati nditumei shoko ndosvitsa Ende mudzimu yako inokutarisa Zvese zvamandituma inini ndoita Kuti vanditungamire kwandinoenda Asi inini vakanditi panodiwa mombe Ende vana sekuru vanoda mukombe Iyi uriwega haungaigone Endai munoungana mutione Vakanditi rovai makuva vanangu muyambuke vanangu we Dzosai mudzimu mumusha ikutarireiwo vanangu we Dirai doro pasi murarame vanangu we Yeukai kumashure kwamakabvawo vanangu we
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out