Lyrics

Wakandinzwa ndichinge nzombe kukuma Zvikanzi shumba inga dzinoruma Bereka makumbo tiende chikomanawe Koo inga mabatiro akasiyana Handingarire seshiri vakomana Koo inga ndiri nhondo inofamba Dzakatamba chembere dzikatirutsira Yakanga yangova mudhara achauya Zadzisa mukombe tigoukutura Tamuka ngoma rega kuibvarurawo ka Yakanga yangova goto rine hwema Tamuka ngoma rega kuibvarura Kwayedza, kwayedza iwe (aiwa, aiwa) Kwayedza, kwayedza muzukuru (aiwa, aiwa mukuruwe aiwa) Kwayedza, kwayedza mukuruwe (aiwa, aiwa aiwa) Kwayedza, kwayedza muzukuru (aiwa, aiwa mukuruwe aiwa) Zvikanzi chinja mutupo (aiwa) daira muzukuru (aiwa) Unobvuma here? (Aiwa, aiwa mukuruwe aiwa) Vakakuti chinja ruvara (aiwa) woita ganda jena (aiwa) Aiwa unoda here? (Aiwa, aiwa mukuruwe aiwa) Kuchiva rumwe rudzi hurema (aiwa) mwana wemutema (aiwa) Ucharamba uri mutema (aiwa, aiwa mukuruwe aiwa) Kuchiva rumwe rudzi hurema (aiwa) mwana wemutema (aiwa) Ucharamba uri mutema (aiwa mukuruwe aiwa) Mukaona tupwere kudzanadzana yarira akomana Mukaona tavamba kugamuchidza takashanda asikana Mukaona tupwere kudzanadzana yarira akomana Mukaona tatanga kugamuchidza takashanda asikana Hanga yangu (hanga) ndakasungira dhibhura ndomene (hanga) Hanga yangu (hanga) ndakanoteya dhibhura ndomene (hanga) Hanga yangu (hanga) ndakasungira dhibhura ndomene (hanga) Hanga yangu (hanga) ndakanoteya dhibura ndomene (hanga) Kundipa museve usina uta ini, ah wandivirimira Ah mutema wakaoma, ah mutema wakaoma Kundipa museve usina uta iwe, ah wandivirimira Ah mutema wakaoma, ah mutema wakaoma Wanditi mbwende wandionei? Ah wandivirimira Ah mutema wakaoma Ah mutema wakaoma Wanditi mbwende wandioneiko? Ah wandivirimira Ah mutema wakaoma Ah mutema wakaoma Kufamba kwangu mutserendende (hwendeha) Handinyenyerenyedze muberevere (ndinofamba ndega) Ibvai munzira majerenyenje (heya, heya, heya) Patinotsika mutserendende (ndinofamba ndega) ahondeha ahonde Wotochena moyo kuti ngwerewere (ndinofamba ndega) Ndiani waita mhere mhere? (Heya, heya, heya) Kurwira nyama vane mavende (ndinofamba ndega) Ndiani waita mhere mhere pamusha pano? Kurwira nyama vane mavende (ndinofamba ndega) Hanga yangu (hanga) ndakasungira dhibhura ndomene (hanga) Hanga yangu (hanga) ndakanoteya dhibhura ndomene (hanga) Hanga yangu (hanga) ndakasungira dhibhura ndomene (hanga) Hanga yangu (hanga) ndakanoteya dhibhura ndomene (hanga) Aiwa (aiwa), aiwa (aiwa) Aiwa (aiwa, aiwa mukuruwe aiwa) Aiwa (aiwa), aiwa (aiwa) Aiwa (aiwa, aiwa mukuruwe aiwa) Aiwa (aiwa), aiwa (aiwa) Aiwa (aiwa, aiwa mukuruwe aiwa) Kuchiva rumwe rudzi hurema (aiwa) mwana wemutema (aiwa) Ucharamba uri mutema (aiwa aiwa mukuruwe aiwa) Kuchiva rumwe rudzi hurema (aiwa) mwana wemutema (aiwa) Ucharamba uri mutema (aiwa aiwa mukuruwe aiwa) Hwerere uhwerendende (aiwa) uhwerere uhwerendendewe (aiwa) Hwerere uhwerendende muzukuru (aiwa mukuruwe aiwa)
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out