Lyrics

Zvatiri tose kudai amai vaRubhi Manzwira-nzwira aya itai mashoma Zvatiri tose kudai amai vaRubhi Manzwira-nzwira aya itai mashoma Anopunza musha vana votambura Anopunza musha vana votambura Tarirai baba vaJohn namai vaJohn Vakaparadzana nekuda kwemanzwira Tarirai baba vaJohn namai vaJohn Vakaparadzana nekuda kwemanzwira Anopunza musha imba yoparara Anopunza musha imba yoparara Amai vaJohn kwavo, baba vaJohn kwavo Inhamo kuvana vamuri kushungurudza Amai vaJohn kwavo, baba vaJohn kwavo Inhamo kuvana vamuri kushungurudza Munozvinzwawo sei kana muchiona vana Dzinenge nherera zvimwe chechikonzero? Munozvinzwawo sei kana muchiona vana Vanenge nherera zvinokonzerwa nei? Kudai rufu runoparadzanisa Kudai rufu runoparadzanisa Hatizi tose vanababa tinorera vana vemumwe murume Zvakaoma veduwe Hatizi tose vanababa tinorera vana vemumwe murume Zvakaoma veduwe Inzwai tsitsi ivai neumbiridzo Inzwai tsitsi ivai neumbiridzo Havazi vose vanamai vanorera vana vemumwe mukadzi Hazvigoni veduwe Havazi vose vanamai vanorera vana vemumwe mukadzi Hazvigoni veduwe Inzwai tsitsi ivai neumbiridzo Inzwai tsitsi ivai neumbiridzo
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out