Lyrics

Dhiya wangu ndakakunyorera tsamba yerudo Koo, unouya here kuzondiona ini ndowore moyo? Uchakaruka ndaendazve? Dhiya wangu ndakakunyorera tsamba yerudo Koo, unouya here kuzondiona ini ndowore moyo? Uchakaruka ndaendazve? Nguva yese ndakangomirira ini Uchingoti iwewe chimbondimirira ndichambokura Asi ndaore moyo uchakura rinizve? Gore rese ndakangomirira Kutarira iweka unouya here kuzondiona ini ndaore moyo? Uchakaruka ndafunga kure Rudo neni hauchina iwe, kana tsamba chaiyo hauchanyori Dhiya iwe ini ndaore moyo uchakura ndafunga kure Rudo neni hauchina iwe, kana tsamba chaiyo hauchanyori Dhiya iwe ini ndaore moyo uchakura ndafunga kure Iyo iyo iyo Dzandinetsa ndangariro iwe Iyo iyo iyo Dzandinetsa ndangariro iwe Rudo, rudo, rudo iwe Ndazvimba mapapu ndakufunga iwe Rudo, rudo, rudo iwe Ndazvimba mapapu ndakufunga iwe Dhiya wangu ndakakunyorera tsamba yerudo Koo unouya here kuzondiona ini ndowore moyo? Uchakaruka ndaendazve Nguva yese ndakangomirira ini Uchingoti iwewe chimbondimirira ndichambokura Asi ndawore moyo, uchakura rinizve? Rudo neni hauchina iwe Kana tsamba chaiyo hauchanyori Dhiya iwe ini ndowore moyo, uchakaruka ndafunga kure Iyo iyo iyo Dzandinetsa ndangariro iwe Rudo, rudo, rudo iwe Ndazvimba mapapu ndakufunga iwe Iyo iyo iyo Dzandinetsa ndangariro iwe Rudo, rudo, rudo iwe Ndazvimba mapapu ndakufunga iwe Chirega kugunun'una mumwe wangu iwe Ndakakutakura mupfungwa iwe Chirega kugunun'una mumwe wangu iwe Ndakakutakura mupfungwa iwe Chirega kudemba demba ruva rangu iwe Ndakakutakura muhana iwe Chirega kudemba demba ruva rangu iwe Ndakakutakura muhana iwe Chirega kugunun'una mumwe wangu iwe Ndakakusenga mupfungwa iwe Chirega kugunun'una mumwe wangu iwe Ndakakutakura mupfungwa iwe Chirega kugunun'una mumwe wangu iwe Ndakakutakura mupfungwa iwe Chirega kudemba demba ruva rangu iwe Ndakakutakura muhana iwe Chirega kudemba demba ruva rangu iwe Ndakakutakura muhana iwe Chirega kugunun'una dhiya iwe Ndakakusenga mupfungwa iwe
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out