Lyrics

Tinenge tasunga chisungo, tikadananawo Tinenge tavaka chidziro, tikawiriranawo Tinenge tasunga chisungo (chisungo hiya honde) Tikadananawo (ho-iyaho) Tinenge tavaka chidziro (chidziro tawirirana) Tikawiriranawo (ho-iyaho) Kugarisana kunzwana, uri weropa uri hama Kusakura sora wazunza here, tiyende kumbakumba? Kana tadhakwa, tichaperekedzana Kana tahutsatsa (kuvata munzira unobveyi?) Pachedu iwe, pachedu Pachedu uri hama (ndikafunga bembera) Pachedu iwe, pachedu Pachedu mwachewe (ndikafunga bembera) Pachedu iwe, pachedu Pachedu uri hama (ndikafunga bembera) Pachedu iwe, pachedu (haiwa) Pachedu mwachewe (ahe hiya hehahe) Sendekera muroora (kusvika mangwana) (Hapana chamati maona) ngoma inorira (Kune ngoma ine) mutinhimira Kwedu (kune chembere dzinogumhana) (Chigutiro!) Sendekera muroora (kusvika mangwana) (Hapana chamati maona) ngoma inorira (Kune ngoma ine) mutinhimira Kwedu (kune chembere dzinogumhana) Ndanzwa ngoma kurira baba, ihere, hereiye Ndaona miromo kununa baba, ihere, hereiye Ndanzwa ngoma kurira baba, ihere (iyahonde) hereiye (iyahonde, ah) Ndaona miromo kununa baba, ihere (iyahonde) hereiye (iyahonde, ah) Mhunzamusha maiona here? Nyoka iyo, rova musoro (Mashoko anopunza musha) kupesanisa veropa Hauna moyo, hauna moyo munyoro (Mashoko anopunza musha) mhunzamusha hamuione here? Nyoka iyo, rova musoro (Mashoko anopunza musha) kupesanisa veropa Hauna moyo, hauna moyo munyoro Pachedu iwe, pachedu Pachedu uri hama (ndikafunga bembera) Pachedu iwe, pachedu Pachedu mwachewe (ndikafunga bembera) Pachedu iwe, pachedu Pachedu uri hama (ndikafunga bembera) Pachedu iwe, pachedu (haiwa) Pachedu mwachewe (ahe hiya hehahe) Sendekera muroora (kusvika mangwana) (Hapana chamati maona) ngoma inorira (Kune ngoma ine) mutinhimira Kwedu (kune chembere dzinogumhana) (Chigutiro!) Sendekera muroora (kusvika mangwana) (Hapana chamati maona) ngoma inorira (Kune ngoma ine) mutinhimira Kwedu (kune chembere dzinogumhana) Chikokiyana (ndechepahukama) Mkoma, takasunganidzwa neropa Togamuchidzana (ndechepahukama) Here, takasunganidzwa neropa Hona tikaburana (ndechepahukama) Mkoma, takasunganidzwa neropa Uchaona togamuchidzana (ndechepahukama) Here, takasunganidzwa neropa Hee, waona chikokiyana (ndechepahukama) Mkoma, takasunganidzwa neropa Uchaona togamuchidzana (ndechepahukama) Here, takasunganidzwa neropa Haiwa tikaburana (ndechepahukama) Mkoma, takasunganidzwa neropa Iii togamuchidzana (ndechepahukama) Here, takasunganidzwa neropa Uchaona togamuchidzana
Lyrics powered by www.musixmatch.com
Get up to 2 months free of Apple Music
instagramSharePathic_arrow_out